African Storybook
Menu
Ndiani anogona kuverenga kusvika ku gumi?
Ephraim Mhlanga
Salim Kasamba
ChiShona
Pasichigare, pakati pemasango, Mambo Mbada akatanga kufunga neramangwana.

Akafunga, "Ndavekuchembera, nerimwe zuva ndichasvika pakuzorora. Mutongi anenjere anosarudza mutevedzeri wake achirikuzvinzwa."

Saka Mambo Mbada osarudza sei muteveri wake? Aida mhuri yake yemhuka dzese zvakafanana.
Mambo Mbada akafunga zano. Akatuma nhume dzake mumasango kuti vanodaidza mhuka dzese kuti dziungane pamuzinda pamambo.

Akagadzirira mabiko makuru apo aizopa chiziviso chikuru. Nhume dzakamhanya dzikaenda sango rese.
Husiku wemabiko mhuka dzese dzakaungana pamuzinda wamambo. Dzakaimba, dzikatamba, dzikava nenguva yakanaka kwazvo.

Kuzoti mwedzi wati kwirei, wabuda pamusoro pemiti, Mambo Mbada akauya akamira pakati pakanga pasina miti. Mhuka dzakabva dzamira kuimba nekutamba. Dzakateerera dzakati zii kunyarara apo mambo akatanga kutaura.
Akaita kakosoro kekugadzira izwi rake, "Ndanga ndichifunga kuti nguva yekusarudza mutevedzeri wangu yakwana. Asi nekuti ndinokudayi mese zvakafanana, handigone kusarudza kuti ndiani pakati penyu mese akakodzera. Saka ndafunga kuita makwikwi."
Mambo Mbada akasumudza pfumo. Akati, "Anotanga kukanda pfumo iri mudenga overenga kusvika kugumi pfumo risati radonha pasi ndiye anogara nhaka yeumambo."
Achingopedza kutaura, mhuka dzakanzwa ruzha rwuchibva nekumashure. Dzakatendeuka ndokuona Nzou achikanyaira achiuya kumberi.

"Suduruka ndipinde. Ndini mukuru ini, ndini ndinofanira kuita mambo," akadaro Nzou.
Nzou akatora pfumo ndokurisimudza nemuromo wake. Akadzosa musoro wake shure zvishoma ndokubva akanda pfumo mudenga.

"Motsi! Piri! Tatu! Oh!" akaridza mhere Nzou.
Kuzoti Nzou abva, dzimwe mhuka dzakatanga kutaura dzichifara. Dzakabva dzanzwa rumwe ruzha rwuchibva neshure kwadzo.

Nguruve akauya achikanyaira achiti, "Suduruka, suduruka ndipinde apo. Ndini ndirikuzoita mambo. Ndine mhasuru dzinokunda dzemhuka dzese ini, ndine simba kudarika mhunhu wese. Ndini ndinofanira kuita mambo."
Nguruve akarerekera kugotsi, ndokuriti pfumo dzvii, ndokuripotsera mudenga. "Motsi! Piri! Tatu! China! Chishanu! Oh!" akaridza mhere.

Pfumo rakadonha avakuverenga kechitanhatu. Akashatirwa zvikuru. Akapupira ndokutimba pasi nemoromo achikanda madhaka mudenga.

Mbada akamuudza achiti, "Nguruve, unemukana mumwechete chete wekukanda pfumo, zvakwana." Nguruve akabva aenda.
Mushure meizvi mhuka dzakabva dzatanga kuti, "Makwikwi aya akaoma, Nzou ane zimumhu ziguru azvitadza izvi. Nguruve azvitadzawo futi nyange akasimba kudaro. Hapana anokunda makwikwi aya!"

Vachitaura kudaro, vakabva vanzwa zvekare rwumwe ruzha rwuchibva neshure kwavo. Pavakacheuka, vakakachamadzwa.
Vakaona rino gorira richiuya mberi. Achifamba kudaro, Gorira aiti, "Ndinozvigona ini, ndinozvigona izvi."

Gorira akatora pfumo ndokudzokera shure zvishoma. Akadzosera ruoko rwake shure, ndokudauka achienda mberi, ndokuurukira mudenga ndokubva arikanda pfumo rakananga mudenga.

"Motsi! Piri! Tatu! China! Chishanu! Chitanhatu! Chinomwe! Oh!" akabva aridza mhere.
Pfumo rakawira pasi ave kuverenga kechisere.
Goria akagumbuka. Akashatirwa zvekuti akatanga kutenderera, achingonyunyuta zvisina basa.

Asi mambo Mbada akamuudza achiti, "Kwete Gorira, unongowana mukana mumwechete chete." Saka Gorira akabva aenda.
Dzimwe mhuka dzakabva dzakanda mabhachi pamapendekete dzonanga kumba. Pavainge voenda kudaro, vakaona mhara kachipfekenyedza kachiuya kumberi. Kachimhanya zvinyoronyoro kudaro, kakati, "Mirai, mirai. Regai ndiedze. Ndinozvikwanisa ini. Regai ndiedze."

Mhuka padzakanzwa izvi, dzese dzakatanga kuseka.
Mambo Mbada akasimuka akashevedzera nehasha, "Mirai, musaite zvekutamba na Mhara. Ndiani akati mhuka diki hadzigone kuita zvinotadzikwa nemhuka hombe? Kana Mhara achida kuedza, anopihwa mukana sezvaitwa dzimwe mhuka. Saka mirai Mhara apotserewo pfumo."
Mhara akatyora muzura pamberi pamambo, ndokutendeuka, ndokutora pfumo nemoromo. Akadududza shure, nesimba rekamuviri kake rose akatanga kumhanya. Asvika pasina miti, akauruka.

Akafema zvinesimba, ndokuritepfenura pfumo ndokudaidzira. "Chishanu nechimwe chishanu zvinoita gumi." Pfumo rakabva radonha pasi.
Mhuka dzese dzakanyarara kuti zii. Dzakanga dzapesaniswa pfungwa.

Mambo Mbada akatsanungura, "Ndizvo, Mhara. Chishanu kusanganisa nechishanu imwe nzira yekusvika pagumi. Pane nzira dzakawanda dzekuverenga kusvika pagumi."

Makwikwi anga asiri ekuwana mhuka huru kana yakasimba kudarika dzese. Anga ari makwikwi ekuwana mhuka ine njere kudarika dzimwe dzese! Ndiko kusaka Mhara akaita mambokadzi mushure mekunge Mbada ashaya.
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Ndiani anogona kuverenga kusvika ku gumi?
Author - Athieno Gertrude and Owino Ogot
Translation - Ephraim Mhlanga
Illustration - Salim Kasamba
Language - ChiShona
Level - Read aloud
© African Storybook Initiative 2017
Creative Commons: Attribution 4.0
Source www.africanstorybook.org
Menu
  • Navigate

    Navigate through the story by swiping right or left or clicking when the cursors changes to an arrow on the right or the left edge of the screen.

    Tap or click on the centre of the page to see, or remove the menu bars at the top and the bottom of the screen. You can also use the ESC key.

    You can use the slider at the bottom as a way to move quickly through the story. On a mobile device tap on the slider before you drag the slider button.

    Click or tap to return to African Storybook.

  • Share
    If you have a Twitter or Facebook account, you can share this story on your page or a page you manage. You can also copy the web link (URL) for this story.
    • Twitter
    • Facebook
    • Url
  • Rate
    Other visitors rated this story

    Tell us how much you liked the story – drag the scroller to highlight one or more stars
    • Submit
  • Comment
    Read other people’s comments on the story, or add your own.
    • Enter your comment
    • Name
    • E-mail
    • Post
  • Translations and adaptations
    • Kodi nindani angawelenge kufika kumi?
      CiNyanja (Translation)
    • Ŋa Ma Nyalo Kwano Kir Iy Apar?
      Dhopadhola (Original)
    • Ning'o orobare goika ikomi?
      Ekegusii (Translation)
    • Who can count to ten?
      English (Translation)
    • Who is the next ruler?
      English (Adaptation)
    • Moye waawi limugo haa sappo?
      Fulfulde Mbororoore (Translation)
    • Ninaani engapeenda ukufika kucipendo ikumi?
      IciBemba (Translation)
    • Ngubani ongabala afike eshumini?
      isiZulu (Translation)
    • Nũũ ũmba gũtara mwanka ĩkũmi?
      Kῖmῖῖrũ (Translation)
    • Nũũ ũtonya kũtala nginya ĩkũmi?
      Kikamba (Translation)
    • Ni nani atakuwa mfalme?
      Kiswahili (Translation)
    • Nani atahesabu mpaka kumi?
      Kiswahili (Translation)
    • Nani akoki kotanga tii na zomi?
      Lingala (Translation)
    • Nanu onyala khuubala koola liikhumi?
      Lubukusu (Translation)
    • Naani omufuzi anairirira?
      Lusoga (Translation)
    • Ng'ai imari tanang ng'atomon?
      Ng’aturkana (Translation)
    • Ne wina ounyala okhubala okhula ekhumi?
      Oluwanga (Translation)
    • Ni ga adze t̯ala mpaka kumi?
      Pokomo (Translation)
    • Quem pode contar até dez?
      Portuguese (Translation)
    • Ke mang yo a ka balago go fihla go lesome?
      Sepedi (Translation)
    • Ke mang ya ka balang ho fihla ho leshome?
      Sesotho (South Africa) (Translation)
    • Ke mang a ka balang go fitlha go lesome?
      Setswana (Translation)
    • Ndi nnyi ane a nga vhala u swika kha fumi?
      Tshivenḓa (Translation)
  • Download to read
    Landscape version
  • Download to print
    Portrait (booklet) version
  • Download EPUB