Ndiani anogona kuverenga kusvika ku gumi?
Athieno Gertrude
Salim Kasamba

Pasichigare, pakati pemasango, Mambo Mbada akatanga kufunga neramangwana.

Akafunga, "Ndavekuchembera, nerimwe zuva ndichasvika pakuzorora. Mutongi anenjere anosarudza mutevedzeri wake achirikuzvinzwa."

Saka Mambo Mbada osarudza sei muteveri wake? Aida mhuri yake yemhuka dzese zvakafanana.

1

Mambo Mbada akafunga zano. Akatuma nhume dzake mumasango kuti vanodaidza mhuka dzese kuti dziungane pamuzinda pamambo.

Akagadzirira mabiko makuru apo aizopa chiziviso chikuru. Nhume dzakamhanya dzikaenda sango rese.

2

Husiku wemabiko mhuka dzese dzakaungana pamuzinda wamambo. Dzakaimba, dzikatamba, dzikava nenguva yakanaka kwazvo.

Kuzoti mwedzi wati kwirei, wabuda pamusoro pemiti, Mambo Mbada akauya akamira pakati pakanga pasina miti. Mhuka dzakabva dzamira kuimba nekutamba. Dzakateerera dzakati zii kunyarara apo mambo akatanga kutaura.

3

Akaita kakosoro kekugadzira izwi rake, "Ndanga ndichifunga kuti nguva yekusarudza mutevedzeri wangu yakwana. Asi nekuti ndinokudayi mese zvakafanana, handigone kusarudza kuti ndiani pakati penyu mese akakodzera. Saka ndafunga kuita makwikwi."

4

Mambo Mbada akasumudza pfumo. Akati, "Anotanga kukanda pfumo iri mudenga overenga kusvika kugumi pfumo risati radonha pasi ndiye anogara nhaka yeumambo."

5

Achingopedza kutaura, mhuka dzakanzwa ruzha rwuchibva nekumashure. Dzakatendeuka ndokuona Nzou achikanyaira achiuya kumberi.

"Suduruka ndipinde. Ndini mukuru ini, ndini ndinofanira kuita mambo," akadaro Nzou.

6

Nzou akatora pfumo ndokurisimudza nemuromo wake. Akadzosa musoro wake shure zvishoma ndokubva akanda pfumo mudenga.

"Motsi! Piri! Tatu! Oh!" akaridza mhere Nzou.

7

Kuzoti Nzou abva, dzimwe mhuka dzakatanga kutaura dzichifara. Dzakabva dzanzwa rumwe ruzha rwuchibva neshure kwadzo.

Nguruve akauya achikanyaira achiti, "Suduruka, suduruka ndipinde apo. Ndini ndirikuzoita mambo. Ndine mhasuru dzinokunda dzemhuka dzese ini, ndine simba kudarika mhunhu wese. Ndini ndinofanira kuita mambo."

8

Nguruve akarerekera kugotsi, ndokuriti pfumo dzvii, ndokuripotsera mudenga. "Motsi! Piri! Tatu! China! Chishanu! Oh!" akaridza mhere.

Pfumo rakadonha avakuverenga kechitanhatu. Akashatirwa zvikuru. Akapupira ndokutimba pasi nemoromo achikanda madhaka mudenga.

Mbada akamuudza achiti, "Nguruve, unemukana mumwechete chete wekukanda pfumo, zvakwana." Nguruve akabva aenda.

9

Mushure meizvi mhuka dzakabva dzatanga kuti, "Makwikwi aya akaoma, Nzou ane zimumhu ziguru azvitadza izvi. Nguruve azvitadzawo futi nyange akasimba kudaro. Hapana anokunda makwikwi aya!"

Vachitaura kudaro, vakabva vanzwa zvekare rwumwe ruzha rwuchibva neshure kwavo. Pavakacheuka, vakakachamadzwa.

10

Vakaona rino gorira richiuya mberi. Achifamba kudaro, Gorira aiti, "Ndinozvigona ini, ndinozvigona izvi."

Gorira akatora pfumo ndokudzokera shure zvishoma. Akadzosera ruoko rwake shure, ndokudauka achienda mberi, ndokuurukira mudenga ndokubva arikanda pfumo rakananga mudenga.

"Motsi! Piri! Tatu! China! Chishanu! Chitanhatu! Chinomwe! Oh!" akabva aridza mhere.

11

Pfumo rakawira pasi ave kuverenga kechisere.
Goria akagumbuka. Akashatirwa zvekuti akatanga kutenderera, achingonyunyuta zvisina basa.

Asi mambo Mbada akamuudza achiti, "Kwete Gorira, unongowana mukana mumwechete chete." Saka Gorira akabva aenda.

12

Dzimwe mhuka dzakabva dzakanda mabhachi pamapendekete dzonanga kumba. Pavainge voenda kudaro, vakaona mhara kachipfekenyedza kachiuya kumberi. Kachimhanya zvinyoronyoro kudaro, kakati, "Mirai, mirai. Regai ndiedze. Ndinozvikwanisa ini. Regai ndiedze."

Mhuka padzakanzwa izvi, dzese dzakatanga kuseka.

13

Mambo Mbada akasimuka akashevedzera nehasha, "Mirai, musaite zvekutamba na Mhara. Ndiani akati mhuka diki hadzigone kuita zvinotadzikwa nemhuka hombe? Kana Mhara achida kuedza, anopihwa mukana sezvaitwa dzimwe mhuka. Saka mirai Mhara apotserewo pfumo."

14

Mhara akatyora muzura pamberi pamambo, ndokutendeuka, ndokutora pfumo nemoromo. Akadududza shure, nesimba rekamuviri kake rose akatanga kumhanya. Asvika pasina miti, akauruka.

Akafema zvinesimba, ndokuritepfenura pfumo ndokudaidzira. "Chishanu nechimwe chishanu zvinoita gumi." Pfumo rakabva radonha pasi.

15

Mhuka dzese dzakanyarara kuti zii. Dzakanga dzapesaniswa pfungwa.

Mambo Mbada akatsanungura, "Ndizvo, Mhara. Chishanu kusanganisa nechishanu imwe nzira yekusvika pagumi. Pane nzira dzakawanda dzekuverenga kusvika pagumi."

Makwikwi anga asiri ekuwana mhuka huru kana yakasimba kudarika dzese. Anga ari makwikwi ekuwana mhuka ine njere kudarika dzimwe dzese! Ndiko kusaka Mhara akaita mambokadzi mushure mekunge Mbada ashaya.

16
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Ndiani anogona kuverenga kusvika ku gumi?
Author - Athieno Gertrude, Owino Ogot
Translation - Ephraim Mhlanga
Illustration - Salim Kasamba
Language - ChiShona
Level - Read aloud