African Storybook
Menu
Mambo weShiri
Precious Gumbo
Wiehan de Jager
ChiShona
Makare kare shiri dzakaita musangano. Dzaida kusarudza mambo, sezvinoita vanhu nemhuka. Ndeipi shiri inokodzoera kuva mambo?
"Gondo, akasimba zvakare anehumambo!" yakadaro imwe shiri.
"Aiwa, haana korona, zvekare kana achideedzera anonzwika akasuwa," yakadaro imwe.
"Saka Mhou, nekuti ndiye muhombe zvakare anodzvova kunge shumba," imwe yakadeedzera.
"Aiwa haagone kubhururuka. Mambo weshiri anofanirwa kunge achibhururuka."
"Ndofunga ndofanira kuva mambo," akadaro Pikoko, achitambisa muswe wake. "Ndakanakisisa."
"Unonyanya kudada," akadaro Zizi. "Ndine maziso mahombe kudarika shiri dzese. Ndinofanira kuva mambo."
"Aiwa, kwete iwe, Zizi," dzakanidzira dzimwe shiri. "Unorara kana zuva rabuda!"
Hadzina kusvika kure nekusarudza mambo. Imwe shiri yakaronga zano. "Shiri ichabhururuka kuenda mudenga kudarika shiri dzese ndiyo ichaita mambo," yakadaro imwe. "Hongu, hongu," shiri dzese dzakanaidzira, dzese dzikatanga kubhrururuka, kuenda mudenga.
Hanzi yakabhururuka kwezuva rimwe chete, yakananga mudenga pamusoro soro pemakomo makuru epasi rese. Gondo akabhururuka kwemazuva maviri, achienda mudenga denga pamusoro soro pemakomo. Asi Gora akabhururuka kwemazuva matatu asingamire, akananga kune zuva. Kure kure pamusoro pedzose shiri, shiri dzakanzwa Gora achidaidzira, "Ndini ndaenda mudenga denga, ndini mambo!"
Asi zvakadaro pamusoro pake Gora akanzwa kanzwi katete, "Tinki, tinki, tinki! Ndini ndiri pamusoro soro, ndini mambo." Ndi Ncede, shiri diki diki pane dzese. Ang akahwanda mumapapiro a Gora paaienda mudenga.
"Hausi kuzondikurira zvekare," akadaro Gora achibhururuka kuenda mudenga denga. Akabhururuka achienda mudenga kusvikira apera simba. "Ndiri mudenga kudarika shiri dzese. Ndini mambo wenyu!"
Asi kubva pasi pemapapiro a Gora pakatushuka kashiri kadiki diki. "Tinki, tinki! Tinki, tinki! Ndini kadiki diki! Ndiri mambo wenyu." Gora anga aneta chaizvo asisakwanisi kupfuurira mberi.
Naizvozvo akadzika pasi, kashiri kadiki kari pasi pemapapiro ake. Dzimwe shiri dzakagumbukira Ncede. Dzakamumirira, dzichida kumubvisa pasi pema papiro a Gora.
Asi nokukurumidza kaNcede akaona kugumbuka kwe dzimwe shiri, akabhururuka akananga mumwena wenyoka. Shiri dzakanga dzakamirira dzakataurira Zizi, "Nemaziso ako mahombe, chengetedza mwena wozomubata paanobuda panze." Naizvozvo Zizi akagarira pamwena.
Zvisinei zuva raipisa saka Zizi akabva arara. KaNcede kakabva kabuda mumwena wenyoka. Paakaona kuti Zizi akarara akabhururuka achitiza.
Zizi akanyara nekuti akanga aregera kashiri kadiki kachitiza. Nanhasi anongo vhima husiku chete. Panguva dzemasikati, anorara, kure paasingaonekwi nedzimwe shiri.
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Mambo weShiri
Author - South African Folktale
Translation - Precious Gumbo
Illustration - Wiehan de Jager
Language - ChiShona
Level - Longer paragraphs
© African Storybook Initiative 2014
Creative Commons: Attribution 4.0
Source www.africanstorybook.org
Menu
  • Navigate

    Navigate through the story by swiping right or left or clicking when the cursors changes to an arrow on the right or the left edge of the screen.

    Tap or click on the centre of the page to see, or remove the menu bars at the top and the bottom of the screen. You can also use the ESC key.

    You can use the slider at the bottom as a way to move quickly through the story. On a mobile device tap on the slider before you drag the slider button.

    Click or tap to return to African Storybook.

  • Share
    If you have a Twitter or Facebook account, you can share this story on your page or a page you manage. You can also copy the web link (URL) for this story.
    • Twitter
    • Facebook
    • Url
  • Rate
    Other visitors rated this story

    Tell us how much you liked the story – drag the scroller to highlight one or more stars
    • Submit
  • Comment
    Read other people’s comments on the story, or add your own.
    • Enter your comment
    • Name
    • E-mail
    • Post
  • Translations and adaptations
    • Koning van die voëls
      Afrikaans (Translation)
    • የአእዋፋቱ ንጉሥ
      Amharic (Translation)
    • Mwami Wabayuni
      ChiTonga (Translation)
    • Mfumu Yambalame
      CiNyanja (Translation)
    • King of the birds
      English (Original)
    • The Clever Little Bird
      English (Adaptation)
    • Le Roi Des Oiseaux
      French (Translation)
    • Imfumu Yafyuuni
      IciBemba (Translation)
    • Ikosi yeenyoni
      isiNdebele (Translation)
    • UNcede inkosi yeentaka
      isiXhosa (Translation)
    • Inkosi yezinyoni
      isiZulu (Translation)
    • Ungcede Inkosi Yezinyoni
      isiZulu (Adaptation)
    • Musumbi Wa Nyunyi
      Kikamba (Translation)
    • Opi Aria Yi Ni
      Lugbarati (Translation)
    • Kabaka We Nyonyi
      Lugwere (Translation)
    • Umuyiinga we Binywiinywi
      Lumasaaba (Translation)
    • Habaha W'Enyuni
      Lunyole (Translation)
    • Kyabazinga gh'enhonhi
      Lusoga (Translation)
    • Olkínkí Le Oó Imotónyi
      Maa (Translation)
    • Ninsi Natitari
      Mampruli (Translation)
    • Omwami Wa Amayoni
      Oluwanga (Translation)
    • Rei Das Aves
      Portuguese (Translation)
    • Kgoši ya dinonyana
      Sepedi (Translation)
    • Morena wa dinonyana
      Sesotho (South Africa) (Translation)
    • Kgosi ya dinonyane
      Setswana (Translation)
    • Mulena Walinyunywani
      SiLozi (Translation)
    • Inkhosi yetinyoni
      Siswati (Translation)
    • Khosi ya zwiṋoni
      Tshivenḓa (Translation)
    • Hosinkulu ya swinyenyana
      Xitsonga (Translation)
  • Download to read
    Landscape version
  • Download to print
    Portrait (booklet) version
  • Download EPUB