African Storybook
Menu
Musikana akapfuma
Lilian Chaminuka
Mango Tree
ChiShona
Karekare kwaiva nevasikana vaviri vainzi Nelima na Nambuya. Vasikana ava vaiva mukoma nemunin'ina. Vabereki vavo vainge vakashaika. Vaigara mugwenga raiva risinganai mvura kana kumera zvirimwa. Munhu aida zvokudya aitofamba chinhambwe chirefu kuti awane zvokudya.
Nelima aiva musikana akanyarara, aizvirereka uye achibatsira vamwe. Umwe wake, Nambuya aiva musikana aizvikudza uye asingatsiuriki. Aiva asina basa nevamwe vanhu.
Rimwe zuva vasikana vaviri ava vaiva vasina zvokudya. Vaifanirwa kunotsvaka zvokudya. Vakapinda munzira dzakasiyana kunotsvaka zvokudya.
Mudunhu iroro maigara chembere yainzi Netasile. Chembere iyi yaizivikanwa nemasimba ekupa hupfumi. Netalisile aiva nechirwere chemaperembudzi saka aiva nemaronda muviri wose.
Nambuya akasangana naNetalisile. Netalisile akashevedza Nambuya, "Mwanangu, wakadii hako? Unobva kupi? Uyezve urikuenda kupi?"
Nambuya akadaira mibvunzo yese. Netalisile akabva ati, "Huya undibatsire kuenda kumba kwangu ndikuudze zvekuita."
Nambuya haana kupindura chembere iyi zvakanaka. Akapindura achiti, "Zvirinani ndife zvangu pane kubata maronda enyu ayo." Netalisile akanyarara hake ndokubva audza Nambuya kuti afambe zvakanaka.
Nambuya akafamba kwenguva refu. Akasvika panzvimbo yaiva nenyoka, mazongororo, makonye nezvimwe zvipukanana. Aiva aneta avanenzara. Akagara pasi kuti azorore, achibva abatwa nehope. Zvipukanana zvakatanga kumuruma.
Murwendo rwake, Nelima akasanganawo nechembere imwecheteyo. Akafara kuonaNetalisile nekuti aiva munhu wekutanga waakaona kubva paakatanga kufamba. Netalisile akamubvunza mibvunzo yaaive ambobvunza Nambuya.
Nelima akabvuma kubatsira Netalisile. "Waita zvakatadzwa nevamwe," chembere yakamuudza. Nelima akaudzwa kuti adzokere kumba. Akaudzwa kuti paanosvika kumba aizowana kuine zvese zvaaishuvira.
Nelima akafara zvikuru akatenda. Akamhanya achidzokera kumba akawana pave neimba itsva yaive yakazara zvinhu zvese zvaaishuvira nezvekudya zvakawanda. Akanga apfuma.
Asi Nelima aichema mukoma wake Nambuya. Akazviudza kuti, "Munhu asingadi kutsiurwa apedzesera ava mumukanwa menzou."
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Musikana akapfuma
Author - Salaama Wanale
Translation - Lilian Chaminuka
Illustration - Mango Tree
Language - ChiShona
Level - Longer paragraphs
© African Storybook Initiative 2015
Creative Commons: Attribution 4.0
Source www.africanstorybook.org
Menu
  • Navigate

    Navigate through the story by swiping right or left or clicking when the cursors changes to an arrow on the right or the left edge of the screen.

    Tap or click on the centre of the page to see, or remove the menu bars at the top and the bottom of the screen. You can also use the ESC key.

    You can use the slider at the bottom as a way to move quickly through the story. On a mobile device tap on the slider before you drag the slider button.

    Click or tap to return to African Storybook.

  • Share
    If you have a Twitter or Facebook account, you can share this story on your page or a page you manage. You can also copy the web link (URL) for this story.
    • Twitter
    • Facebook
    • Url
  • Rate
    Other visitors rated this story

    Tell us how much you liked the story – drag the scroller to highlight one or more stars
    • Submit
  • Comment
    Read other people’s comments on the story, or add your own.
    • Enter your comment
    • Name
    • E-mail
    • Post
  • Translations and adaptations
    • Die meisie wat ryk geword het
      Afrikaans (Translation)
    • ሃብታሟ ልጅ
      Amharic (Translation)
    • Gapisǝmpi ŋgaɖee ga pra atanja ma
      Anii (Adaptation)
    • The girl who got rich
      English (Translation)
    • La Jeune Fille, Qui Devient Riche
      French (Translation)
    • Suka Debbo Diikaaɗo
      Fulfulde (Translation)
    • Intombazanyana eyaba isicebi
      isiZulu (Translation)
    • Kәlayakku Gaɍiwujǝna
      Kanuri (Translation)
    • Nirere na Nyiranzage
      Kinyarwanda (Translation)
    • Nelima atajirika
      Kiswahili (Translation)
    • Nelima afuna buyiindifu
      Lumasaaba (Original)
    • Omughala eyagaigaghala
      Lusoga (Translation)
    • Apese Na Abu Tabar
      Ng’aturkana (Translation)
    • Akhabere Aba Omuyiinda
      Oluwanga (Translation)
    • Akhabere Aba Omuyiinda
      Oluwanga (Adaptation)
    • A Menina Que Ficou Rica
      Portuguese (Translation)
    • Omwishiki Owatungire Obugaiga
      Rukiga (Translation)
    • Wandiya Kaŋ Te Arzaka
      Zarma (Translation)
  • Download to read
    Landscape version
  • Download to print
    Portrait (booklet) version
  • Download EPUB