Selemeng anofarira kiti.
Kumba kwavo kune kiti dzakawanda.
Selemeng ane imwe kiti nhema.
Kiti iyi inodya nyama yakawanda.
Selemeng ane imwe kiti yakakora.
Kiti iyi inodya zvese zvese. Haisaruri chekudya.
Kiti yechitatu inomhanyira mumuti.
Kiti iyi inobva yarambira mumuti.
Selemeng anokwira mumumuti. Anobva atadza kuburuka pamwe nekiti yake.
Amai va Selemeng vanomubatsira kuburuka nekiti yake.
Selemeng ane kiti mbiri dzineusimbe.
Kiti idzi dzinoswera dzakarara pamushana zuva rose.
Selemeng ane kiti nhatu dzinoshanda.
Dzinobata makonzo mumba yokubikira husiku.
Selemeng ane imbwa imwe chete. Zita rayo ndi Lirafi.
Lirafi imbwa isina shamwari. Inogara yakasuwa.
Kiti dza Selemeng hadzifariri Lirafi.
Dzinomudzingira kunze kwemba.
Lirafi anobva atiza.
Selemeng anonotsvaga Lirafi omudzosa mumba.
Kiti dzinotsamwa nekuti hadzifariri kuona Lirafi.
Selemeng ane kiti ngani?
Ane kiti sere.
Selemeng ane imbwa ngani?
Ane imbwa imwe chete.
Lirafi arikupi izvozvi?
Iwe une kiti ngani?
Une imbwa ngani?