Nguruve yakaramba kuteerera
Thobile Gama
Marion Drew

Pakudoka kwezuva, nguva yaive yasvika yekuti mhuka dzese dziende kunorara.

Asi dzimwe mhuka hadzina kuda kuteerera mufudzi wadzo.

1

Nguva yekurara yasvika, "Miss Piggy," mufudzi akadaro, "Pinda mudanga."

"Aah, handidi, handidi kupinda mudanga," Miss Piggy akapindura.

2

"Tyava, rova Miss Piggy vapinde mudanga," akadaro mufudzi achiudza tyava yake.

"Aah, handidi, handidi kurova Miss Piggy," yakadaro tyava.

3

Moto, Ndinokumbira upise tyava nekuti irikuramba kurova Miss Piggy kuti apinde mudanga."

"Aah, handidi, handidi kupisa tyava," moto wakapindura.

4

"Mvura, ndinokumbirawo udzime moto, nekuti waramba kupisa tyava yaramba kurova Miss Piggy aramba kupinda mudanga." mufudzi akakumbira.

"Aah, handidi, handidi kudzima moto," mvura yakaramba.

5

Mombe inonzi Moo yakabva yasvika. "Moo, Ndinokumbira umwe mvura, yaramba kudzima moto waramba kupisa tyava yaramba kurova Miss Piggy aramba kupinda mudanga," mufudzi akadaro.

6

MOOO!" yakadaro mombe ichifara nekuti yaiva nenyota. "Hongu, ndiri kuda kumwa mvura."

7

"Aiwa! Aiwa! Aiwa! Moo, ndapota usandimwe," mvura yakachema. "Ndinodzima hangu moto."

8

"Aiwa, haundidzimi!" moto wakasheedzera. "Ndinopisa hangu tyava."

9

"Ndapota usandipise," tyava yakachema. "Ndinorova hangu Miss Piggy apinde mudanga."

10

Miss Piggy akatsamwa. "Hapana kodzero yekuti tyava indirove," yakadaro nguruve. "Ndava kupinda ndega mudanga."

11

Miss Piggy akapinda mudanga ndokubva arara.

12
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Nguruve yakaramba kuteerera
Author - Thobile Gama
Translation - Lilian Chaminuka
Illustration - Marion Drew
Language - ChiShona
Level - First paragraphs