Muti waPontshibobo
Buhle Vilakazi
Abraham Muzee

Paivapo, paiva nemurume wechidiki ainzi Pontshibobo. Paaiva mudiki aiva mwana anehunhu hwakanaka. Akakura kuva murume anehunhu hwakanaka. Airemekedza vanhu vese.

1

Pontshibobo aiva neshamwari yake yainzi Hippo. Hippo aisaremekedza vanhu saPontshibobo. Rimwe zuva Pontshibobo naHippo vaifamba vese vachidzika nemumugwagwa. Hippo akafunga zano, "Handei tinoputa fodya."

2

Pontshibobo akashamisika. "Nemhaka yei uchida kuti ndipute fodya newe? Unoziva kuti handidi kuputa."

3

Hippo akatsamwa. "Kana usingade kuputa neni hausi shamwari yangu." akadaro achifamba achienda.

4

Pontshibobo akaenda kumba ndokugara hake pasi pemuti achibva atanga kuchema.

5

"Urikuchemei?" muti wakamubvunza. Ponsthibobo akavhunduka. Akanga asati ambonzwa muti uchitaura. Akaudza muti nezva Hippo. "Ndarasikirwa neshamwari," akadaro.

6

Muti wakabvunza Pontshibobo, "Chii chaicho chaunoshuvira?" Pontshibobo akambofunga kwekanguva. Akabva azopindura, "Ndinoda imba. Ndava munhu mukuru saka ndinoda imba. Ndinoda kuroora ndova nevana."

7

Muti wakambofungawo kwechinguva. "Tora mashizha nemapazi angu uvake imba," muti wakadaro. Pontshibobo akaita zvakataurwa nemuti achibva avaka imba yakanaka samare. Akaroora ndokuva nevana. Akafara zvikuru.

8

Asi muti hauna kufara. Pontshibobo akanga akanganwa nezvemuti. Izvi zvakamusuwisa. "Ndinoda shamwari," muti wakadaro uchitaura wega, "nekuti ndingafe." Pakare ipapo Pontshibobo akasvika munhanga. Akanzwa zvakataurwa nemuti, akaona kuti muti wairwara chaizvo.

9

Pontshibobo aiva akasuwawo. Akanga akanganwa nezvemuti uyu wakamubatsira kuvaka imba yemukadzi nevana vake."Ndinokumbirawo ruregerero," akadaro achichema uye achimbundikira muti.

10

Muti pawakaona kuti shamwari yawo yadzoka wakanyemwerera. Wakatanga kumera mamwe mapazi nemashizha.

11

Vana vaPontshibobo vaikwira pamapazi emuti. Pontshibobo nemukadzi wake vaigara mumumvuri pavainge vapedza kuita basa rakaoma. Vaitaura nyaya, vachiseka uye vachifara. Pontshibobo nemuti vakanga vave shamwari zvakare.

12
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Muti waPontshibobo
Author - Buhle Vilakazi
Translation - Lilian Chaminuka
Illustration - Abraham Muzee
Language - ChiShona
Level - Longer paragraphs