Mhuka ine zviviri
Mlungisi Madlala
Jesse Breytenbach

Mhuri yekwa Izinzawu yaiva mhuri inofara. Vanasikana vaviri vakadzidziswa kubika nekurima namai vavo. Vanakomana vaviri vakadzidziswawo kuvhima nababa vavo.

1

Pakudya kwemanheru nguva dzose, munhu wese aitaura zvaaiva aswera achiita zuva rese.

2

Baba vaiwanzoudza vana kuti vasaende pakatikati pesango. Vaiudza mhuri yavo kuti musango maiva nemhuka isati yamboonekwa yaigaramo. "Mhuka iyi yakakura sevaviri vedu takasanganiswa"

3

Mumwe musi vasikana vaitamba kurwizi. Pakare ipapo, kuseri kwemuti kwakabuda mhuka isati yamboonekwa! Mhuka iyi yaive nemaziso maviri, nzeve mbiri, maoko maviri nemakumbo maviri.

4

Vasikana vakavhunduka, ndokubva vamhanya kunoudza hanzvadzi dzavo zvavaiva vaona. Asi vakomana havana kuzvibvuma, vakati, "Vasikana ava vanopenga!"

5

Asi pakupedzisira vakomana vakaita shungu ndokutevera vasikana kurwizi kuti vazvionere vega mhuka iyi.

6

Vakatsvaga pese asi havana chavakaona. Vaingoona huswa hwakareba nemiti.

Asi pakare ipapo vakabva vanzwa ruzha, ndokubva vatarisa kudenga.

7

Pamusoro pemuti vakaona mhuka isati yamboonekwa. Mhuka iyi yaiva nemaoko maviri, makumbo maviri, netsoka mbiri. Mhuka iyi yaiva yakasiyana naivo pakusikwa nekuti ivo vaiva neruoko rumwe chete, gumbo rimwe chete ne tsoka imwe chete.

8

Vana vakatya ndokutizira kumba kunoudza vabereki vavo. Mhuri yese yakaenda kurwizi kunoona mhuka iyi.

9

"Musandikuvadze!" mhuka yakadaro, yakavanda kuseri kwemuti. Parizvino mhuri yaiva ichiona gumbo rimwe, ruoko rumwe, tsoka imwe neziso rimwe remhuka iyi.

10

"Ndakangofanana nemi," mhuka yakadaro. "Takangosiyana nekuti ini ndine makumbo maviri, maoko maviri, maziso maviri, nzeve mbiri netsoka mbiri."

11

Saka mhuri yekwa Izinzawu ndipo payakaziva kuti yaisava mhuka yavaitya, asi munhu akangosiyana navo pakusikwa kwake.

12
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Mhuka ine zviviri
Author - Mlungisi Madlala, Ntombikayise Ngidi
Translation - Lilian Chaminuka
Illustration - Jesse Breytenbach
Language - ChiShona
Level - First paragraphs