Sei Ajao asina kuvigwa
Taiwo Ẹhinẹni
Jesse Breytenbach

Muremwaremwa anonzi Ajao aiva akarara mumba make achirwara. Paiva pasina anomubatsira.

1

Ajao akabva ashaika.

2

Vavakidzani vakati, "Ajao ashaika. Tinofanirwa kudana hama dzake dzimuvige."

3

Vavakidzani vakaenda kunodana shiri vachiti, "Hama yenyu yashaya."

4

Shiri dzakauya dzikaona Ajao. Dzakati, "Iyi mhuka haisi hama yedu."

5

"Isu mhuri yedu ine manhenga asi Ajao haana. Saka, haasi umwe wedu." Shiri dzakabva dzaenda.

6

Vavakidzani vakaunganazve vachitaurirana. Vakabvumirana, "Shiri dzataura chokwadi. Ajao haana manhenga. Saka haasi hama yadzo."

7

Umwe wevavakidzani akati, "Anogona kuve ari wemhuri yembeva. Anoratidzika sembeva."

8

Vavakidzani vakaenda kunodana mbeva vachiti, "Hama yenyu yashaya."

9

Mbeva dzakauya dzikaona Ajao dzikati, "Iyi mhuka haisi hama yedu."

10

" Mumhuri yedu tese tine miswe. Ajao haana muswe." Mbeva dzakabva dzikaenda.

11

Hapana hama dza Ajao dzakawanikwa kusvikira nanhasi haasati avigwa.

12
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Sei Ajao asina kuvigwa
Author - Taiwo Ẹhinẹni
Translation - Lilian Chaminuka
Illustration - Jesse Breytenbach
Language - ChiShona
Level - First sentences