Mwana semuyananisi
John Nga'sike
Jacob Kono

Amai vakaenda musango nemwana wavo. Vakaenda kunotemha michero.

1

Musango umu vakawana muti unemichero yakaibva.

2

Vakaradzika mwana akanga akotsira pasi pemuti, ivo ndokukwira mumuti.

3

Murume wekune rimwe dunhu akadarika nepo akaona mwana ari pasi pemuti. Murume uyu akashamiswa ndokuzvibvunza, "Amai vemwana uyu varikupi?"

4

Akakotama. Kurira kwakaita zvuma zvemuhuro make kwakabva kwamutsa mwana.

5

Akarega mwana achitamba nezvuma zvake. Mwana akasekerera achitambisa zvuma.

6

Amai vakatarisa pasi kuti vaone kuti mwana aisekei. Vakabva vaona paine murume wavainge vasingazive.

7

Vakavhunduka zvekuti vaka donhedza nhava yavo yemuchero.

8

Murume akabva atarisa mudenga. Akati, "Musatye. Ndirikungotamba zvangu nemwana wenyu akanaka uyu."

9

Saka amai vakabva vaburuka mumuti.

10

Murume akabvisa chimwe chezvuma zvake akapa mwana. "Chipo chako ichi," akadaro.

11

"Endai kumba nemwana wenyu. Muudze murume wenyu kuti mubve mudunhu ramurikugara muende kudunhu rine runyararo. Mwana wenyu andipa runyararo," akadaro.

12
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Mwana semuyananisi
Author - John Nga'sike
Translation - Lilian Chaminuka
Illustration - Jacob Kono
Language - ChiShona
Level - First paragraphs