Bere naTsuro vaive neushamwari.
Tsuro aive nedhongi nekabhavha katsvuku.
Tsuro paaida bhavha hombe aitokumbira raBere rine ruvara rwedenga.
Bere aida kuwacha mbatya mubhavha rake.
Bere akaenda kuna Tsuro. "Ndiri kuda bhavha rangu," akadaro.
"Bhavha rako rakazvara mwana," akadaro Tsuro. Bere ndokutora mabhavha ose.
Nerimwe zuva Tsuro akakumbirazve bhavha raBere.
Bere paakaenda kunotora bhavha, nhau yaTsuro yaisafadza.
"Bhavha rako rakafa," akadaro Tsuro. Bere haana kuzvitenda.
Bere akashevedza mhuka huru kuti dzione chakwadi.
"Zvinhu zvipenyu zvinobereka zvinofawo," Tsuro akatsanangura.
Mhuka dzakabvumirana naTsuro. Bere akarasikirwa nebhavha rake.