Bere, Tsuro Nemabhavha Avo
Charles Katiwa Kiema
Salim Kasamba

Bere naTsuro vaive neushamwari.

1

Tsuro aive nedhongi nekabhavha katsvuku.

2

Tsuro paaida bhavha hombe aitokumbira raBere rine ruvara rwedenga.

3

Bere aida kuwacha mbatya mubhavha rake.

4

Bere akaenda kuna Tsuro. "Ndiri kuda bhavha rangu," akadaro.

5

"Bhavha rako rakazvara mwana," akadaro Tsuro. Bere ndokutora mabhavha ose.

6

Nerimwe zuva Tsuro akakumbirazve bhavha raBere.

7

Bere paakaenda kunotora bhavha, nhau yaTsuro yaisafadza.

8

"Bhavha rako rakafa," akadaro Tsuro. Bere haana kuzvitenda.

9

Bere akashevedza mhuka huru kuti dzione chakwadi.

10

"Zvinhu zvipenyu zvinobereka zvinofawo," Tsuro akatsanangura.

11

Mhuka dzakabvumirana naTsuro. Bere akarasikirwa nebhavha rake.

12
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Bere, Tsuro Nemabhavha Avo
Author - Charles Katiwa Kiema
Translation - Ester Chimhenga, Mass Tapfuma
Illustration - Salim Kasamba
Language - ChiShona
Level - First words