Kumhanya Kwemubatanidzwa Weafrica
Ursula Nafula
Brian Wambi

Mdogo naJuma ishamwari dzinofarira kumhanya. Vanomhanya vese zuva nezuva.

1

Rimwe zuva Juma akati, "Ngatimhanye tichidambura nemunyika dzemuAfrica, uyezve tichitsigira kubatana kwevanhu!" "Ngatimhanye!" akadavira nemufaro Mdogo.

2

Vakaronga kuti vatakure mwenje wemubatanidzwa parwendo rwavo. Vakatanga kumhanya vachibvira kuchamhembe kuCape Town.

3

Kubva South Africa, vakananga kumadokero emhenderekedzo yenyanza. Vakamhanya vachidambura nemuNamibia, Angola, DRC, Congo neCameroon. Vakazonozorora vave muAbuja.

4

Vamhanyi vekumadokero vakamhanya neshamwari idzi munyika yeNigeria. Vakaramba varivese vachitevedza rwizi rweNiger.

5

Dutu reguruva kuMali rakaita kuti zvivaomere zvekumhanya. Juma ndiye akanga akasimba pane vose vamhanyi. Wakavatungamira kusvika vabuda mudutu iri zvisina njodzi.

6

Vamhanyi vakazoshamba huruva muConakry mumhenderekedzo yenyanza yemuGuinea. Vakaronga zve kumhanya vakananga kuMorocco vachidambura nemuSenegal pamwe nemuMauritania.

7

KuCasablanca vamhanyi vakatamba nevamwe vechidiki pamahombekombe. Vakazosimuka vakananga kumaodzanyemba eAfrica.

8

Vakadambura kuAlgeria nekuLibya vakazonomira kuEgypt vachishanyira marinda emadzimambo (pyramids). Vakazonanga kumabvazuva vachitevedza rwizi rweNile vakananga kuUganda.

9

Vakadambura mumagwenga nemumasango emhuka. Vamwe vechidiki vakabatana navo muKampala. Boka rakazonanga kumhenderekedzo yenyanza kuKenya.

10

Vava pamahombekombe emuMombasa vakagara vakadya mupunga wekokonati (coconut) nehove. Juma akati "Ngatitakurei mwenje wemubatanidzwa tinange kugomo reKilimanjaro."

11

Munzira yekuenda kuTanzania Juma akadonha nekuti akanga aneta. Vamhanyi vose vakamira vakadzokera kunomubatsira.

12

Juma akatambidza Mdogo mwenje achibva amuti, "Takura tikwidze kugomo reKilimanjaro unobatidza mwenje wemubatanidzwa weAfrica."

13

Vanhu vakapururudzira vamhanyi vachidaidzira kuti, "Ndimi magamba edu!" Mwenje wabatidzwa pagomo reKilimanjaro vakadzoka vonanga kuchamhembe kweAfrica kwavakanga vabva.

14

Vakadida mudziva reMalawi, Mdogo akati kunaJuma, "Tamhanya kubva kuchamhembe kusvika kumaodzanyemba tikadzoka zve. Zvino rwendo rwava kusvika kumagumo."

15

Vamhanyi vemubatanidzwa vakapedzisira nekutakura mwenje kuGreat Zimbabwe. Pakava negungano guru panzvimbo iyi yakakosha. "Kwamhanyiwa!" akadaro achinyemwerera Juma.

16
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Kumhanya Kwemubatanidzwa Weafrica
Author - Ursula Nafula, Nina Orange
Translation - Debra Chibaya, Lantern Fusire, Otheria Felix Mabiza
Illustration - Brian Wambi
Language - ChiShona
Level - First paragraphs