Nyope Inonzi Anansi
Ghanaian folktale
Wiehan de Jager

Anansi ibuwe rine hunyope.

1

Anoda chikafu asi ane hunyope hwekubika.

2

Anansi anoshanyira Mbira omukumbira kuti vadye vese muriwo.

3

"Hongu. Chindibatsira kukurunga," anodaro Mbira. Asi Anansi ane hunyope.

4

"Ndichadzoka," anodaro Anansi.

5

Anansi anosungirira tambo pagumbo rake uye papoto yaMbira.

6

"Dhonza tambo kana muriwo waibva," anodaro Anansi.

7

"Tsoko, tingadya tese here nyemba?" "Hongu. Tibatsire kudzicheka."

8

"Ndichadzoka," anodaro Anansi. Anosungirira dzimwe tambo.

9

"Njiri, tingadye tose here magwiri?" "Hongu. Ndibatsire kumagadzira."

10

"Ndichadzoka," anodaro Anansi. Anosungirira dzimwe tambo.

11

Nenguva isipi makumbo aAnansi ose ari masere akasungirirwa papoto.

12

Anansi anonzwa kudhonzwa pagumbo rechipiri. Retatu rotevera.

13

Makumbo ose ave kudhonzwa! "Mirai kudhonza!" Anansi anochema.

14

Hapana anonzwa Anansi achichema. Tambo dzinodambuka imwe neimwe.

15

Makumbo anotatamuka! Ndokusaka mabuwe aine makumbo marefu matete.

16
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Nyope Inonzi Anansi
Author - Ghanaian folktale
Translation - Ester Chimhenga, Mass Tapfuma
Illustration - Wiehan de Jager
Language - ChiShona
Level - First words