Imbwa neGarwe
Candiru Enzikuru Mary
Rob Owen

Rimwe zuva parwizi, lmbwa inosanganidzana nemazai mujecha.

Yakazvibvunza, "lngava mhuka ipi yasiya mazai pano?"

1

Yakaverenga mazai gumi, yakafunga kuti pamwe ndeedhadha.

Yakamaisa munhava yayo.

2

Yakatora mazai yakaenda nawo kumba ndokumaisa panodziya.

3

Imbwa payakadzokera kurwizi, yakasangana neGarwe.Rakabvunza rikati,"Wamboona mazai angu here?".
"Ini handizivi chinhu nezvemazai ako," Imbwa yakapindura.

4

Garwe rakatanga kushanyira mhuka dzose richivhunza nezvemazai aro.

5

Zvichakadaro, mazai akatanga kutsotsonya rimwe nerimwe

6

Imbwa yakaedza nepayaigona napo kuchengeta vana vegarwe, asi zvokudya zvaisakwana.

Vana vegarwe vaigara vaine nzara.

7

Rimwe zuva garwe rakaenda kumba kweimbwa kunotsvaka mazai aro.
Rakati ramira panze, rakanzwa kutinhira kwematumbu evana vegarwe!

8

Garwe rakamhanyira mumba ndokurova imbwa nemuswe waro.
Imbwa yakachema ndokubva yasvetukira panze nepafafitera.

9

Garwe rakamhanyisa imbwa kusvika kurwizi.

10

Imbwa yakachema ikati, "Ndinokumbirawo ruregerero, handina kuziva kuti akanga ari mazai ako!"

11

Garwe rakamuvimba zvaakataura rikamuregerera.
Rakatora vana varo rikaenda navo kunovadzidzisa kushambira kekutanga.

12
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Imbwa neGarwe
Author - Candiru Enzikuru Mary
Translation - Rumbidzai Mabhutsu
Illustration - Rob Owen
Language - ChiShona
Level - First sentences