Tinogara muimba yedenderedzwa
Nina Orange
Vusi Malindi

Vanhu vanogara mumisha yemhando dzakawanda dzakasiyana. Mimwe misha inovakwa nezvinhu zvomusikirwo, zvakaita sehuswa. Mimwe misha inovakwa nezvinhu zvakagadzirwa nevanhu, zvakaita segirazi nekongiri.

Mimwe misha inovakwa nezvinhu zvomusikirwo pamwe nezviya zvakagadzirwa nemafekitari, sedenderedzwa riri munyaya ino.

1

Kabo naThabo vanogara muruwa rweKgatleng muBotswana, pedyo nemusha weMochudi. Vanogara mune denderedzwa nevabereki vavo.

"Denderedzwa imba yechinyakare yakaurungana uye yakapfirirwa nehuswa. Misha yakadai inovakwa munzvimbo zhinji dzekuchamhembe kweAfrica," anotsanangura kudaro Kabo.

2

Thabo anoenderera mberi achiti, "Madenderedzwa mazhinji akaurungana, aine mukova nemahwindo. Isu tine mahwindo egirazi, ayo vasina kunge vainayo mumazuva ekare."

"Sekuru vedu vakavaka denderedzwa rino nenzira yechinyakare. Baba vedu vakazowedzera zvimwe zvinhu zvemazuvano," anodaro Kabo.

3

"Regai titsanangure kuvakwa kwaro," Kabo anodaro.

Anoti, "Vavaki vakashandisa matanda, huswa hwekupfirira, mabwe, dhaka, nepurasita.



Vakatanga nekuchera gomba. Vakatsindira gomba racho nemabwe madiki, ivhu, nejecha. Izvi zvakaita kuti hwaro huve hwakasimba kwazvo pakuvakira."

4

Thabo anoenderera mberi achiti, "Vavaki vakadzika mapango ematanda marefu muhwaro hwiya, vachitevedza mupendero wekunze. Vakasungirira mapango iwayo pamwe chete, vachigadzira furemu yematanda yemadziro ekunze.

Pangosara chimiro chechivakwa chapera, vavaki vakaisa mabwe akanyatsobatana mukati mefuremu iyoyo."

5

"Tevere, vavaki vakasanganisa rongo, mvura, nemupfudze wemombe. Izvi zvinogadzira dhaka remasikirwo iro rinosimba zvakanyanya kana raoma. Vakatsindira dhaka iroro pakati pemabwe kuti agare akatsiga panzvimbo," anodaro Kabo.



"Kuvaka nemabwe nedhaka kunoita kuti madziro ave akasimba uye agare kwenguva refu," Thabo anowedzera kudaro.

6

Kabo anoti, "Madziro makobvu ekunze anochengetedza tembiricha (insulate) mudenderedzwa redu."

Thabo anotsanangura kuti, "Kuchengetedza tembiricha izvi zvinoreva kuti mukati munoramba makatonhorera kana kunze kuchipisa. Kupisa kwezuva hakukwanisi kupfuura nemumadziro iwayo.

Munzvimbo dzinotonhora zvakanyanya munguva yechando, kuchengetedza tembiricha uku kunoita kuti madenderedzwa adziye nekuchengetedza kupisa mukati."

7

"Vavaki vakagadzira pasi pedenderedzwa redu nekutsindira dhaka muhwaro hwavakanga vambovaka," anodaro Thabo.

Kabo anoti, "Kuti vapedze pasi pacho, vakatekeshera rukoko rwekupedzisira rwedhaka ndokurutsindira pasi. Izvi zvakaoma zvikaita ganda rakasimba uye pasi pakati sandara zvakanaka."

8

Thabo anoti, "Nhanho yekupedzisira yaiva yekupfirira denga. Madenderedzwa anowanzoita denga rehuswa rakachinjika kuita noku.



Vavaki vakagadzira feuremu yematanda nemapango akasanganiswa kuita noku pakati nepakati. Vakasungirira masvikiro ehuswa kumapango iwayo nhurikidzwa nenhurikidzwa. Denga rehuswa haripinzi mvura."

9

Huswa chinhu chinoshanda zvakanyanya pakugadzira denga. Asi chinhu chemasikirwo ichi chinogonawo kuva musha wakanaka wezvipembenene nemhuka diki. Zvizhinji zvacho zvipembenene zvinoshungurudza!

Tarisa mufananidzo uyu ugotsvaga: madandemutande matatu, chinyavada chimwe, chipembenene chimwe, muchenje mumwe, nembeva imwe?

10

Zvinhu zvemasikirwo zvakaita sehuswa hwekupfirira zvinogadzira nzvimbo yakanaka yekuti madandemutande agare uye avhime.



Madandemutande haakuvadzi huswa uye anobatsira kupedza zvimwe zvipembenene.

Tinofanira kuchengetedza huswa hwedu zvakanaka kuitira kuti tidzinge zvipembenene zvinoshungurudza zvakaita sembeva, nhata, nemuchenje.

11

"Tiri vazhinji kwazvo tiri kugara mune denderedzwa rino!" anodaro Thabo, akatarisa kuhuswa hwedenga. Iye anotya madandemutande.

"Ko ndezvipi zvimwe zvisikwa zvingava zvichigara nesu pano?" Kabo anobvunza kudaro nekutya.

"Kana ndozovaka musha wangu, ndichavaka denderedzwa rine denga rematira!" Kabo anodaro achiseka.

12
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Tinogara muimba yedenderedzwa
Author - Nina Orange, Ursula Nafula
Translation - Debra Rushwaya
Illustration - Vusi Malindi
Language - ChiShona
Level - Longer paragraphs