Tinogara mune chivakwa chakareba kwazvo
Nina Orange
Kenneth Boyowa Okitikpi

Vanhu vanogara mumisha yemhando dzakawanda dzakasiyana. Vamwe vanogara mumisha yakanyanya kukwirira mudenga. Vamwe vanogara mumisha iri pasi.

Zvivakwa zvirefu zvinogona kuva nemisha yakawanda yakavakwa yakaturikidzana. Bhuku rino nderek kuvakwa kwechivakwa chakareba kwazvo chine nhurikidzwa dzakawanda.

1

Mishelle naCatherine hanzvadzi. Mishelle ava kuda kupedza chikoro chesekondari. Catherine ari mugore rake rekupedzisira rechikoro chepuraimari.

Hanzvadzi idzi dzinogara nevabereki vadzo pamwe nambuya vadzo, mune chivakwa chakareba kwazvo muNairobi. Vanoda kugara mudenga-denga muguta, seshiri dziri mumuti murefu kupfuura yose.

2

Mhuri iyi inogara mufurati iri panhurikidzwa yemakumi maviri nembiri muChivakwa cheTower. Vanoshandisa erevheta kana kuti lifiti kuti vasvike kumba kwavo.

Catherine anoverenga nhurikidzwa pavanenge vachikwira kana kudzika. Anoda kuzova mutyairi wendege rimwe zuva. Mishelle anoda kuzova injiniya anovaka zvivakwa zvirefu-refu.

3

Catherine anobvunza kuti, "Chivakwa chedu ndicho chakanyanya kureba muAfrica yose here?"

Mishelle anopindura achiti, "Kwete, chivakwa chino chakareba mamita anosvika zana nemakumi maviri nematanhatu. Chivakwa chakanyanya kureba muAfrica chinodarika mamita mazana matatu nemakumi pfumbamwe nematatu zvishoma. Chivakwa chakanyanya kureba pasi rose chinoda kusvika mamita mazana masere nemakumi matatu!"

"Eheka! Ko zvivakwa zvirefu zvakadaro

4

"Kutaura chokwadi, zvivakwa zvirefu-refu zvose zvinovakwa nenzira yakafanana. Zvinhu zviviri zvikuru zvinoshandiswa pakuvaka isimbi nekongiri.



Chivakwa chakareba chinovakwa nhurikidzwa nenhurikidzwa, kutanga nefeuremu yesimbi, kwozodira kongiri yakatenderedza feuremu iyoyo. Zvinhu izvi zvakabatanidzwa zvine simba rakanyanya uye zvinogara kwenguva refu," anopindura kudaro Mishelle.

5

"Kuti chivakwa chakareba kudaro chivakwe, vashandi vekuvaka vanofanira kutanga vachera gomba rakadzika kwazvo kuitira hwaro hwechivakwa chacho.

Sezvakaita muti murefu unenge uine midzi mihombe uye yakadzika, chivakwa chakareba chinofanira kuva nehwaro hwakasimba pane rukoko rwebwe rakatsiga. Dzimwe nguva ibwe racho rinenge rakavigwa mukati-kati mevhu," anodaro Mishelle.

6

"Tevere, vashandi vanogadzira furemu yechivakwa. Vanovaka feuremu iyi vachishandisa simbi refu-refu.

Furemu yesimbi iyi ndiyo inoita kuti zvikwanisike kuvaka chivakwa chirefu-refu. Simbi inokwanisa kutakura huremu hukuru kwazvo.

Feuremu yesimbi ndiyo musimboti wechivakwa, yakafanana nebhonzo remunhu."

7

Simbi inogonawo kupfava kana kutandavara. Izvi zvinoreva kuti chivakwa chinogona kuzununguka zvishoma (kunyange zvazvo izvi zvakaoma kuzviona nemeso).

Kana kukava nemhepo ine simba rakanyanya, kana kudengenyeka kwenyika, simbi dziri mukati dzinobvumira chivakwa kuti chizununguke zvishoma pasina kutyoka.

Simbi dzinoumba musimboti une simba unokwanisa kuteerera mafambiro emhepo nemuviri.

8

Chimwe chinhu chikuru chinoshandiswayo pakuvaka ikongiri. Kongiri musanganiswa wezvinhu zvakaita sejecha, simende, nemvura. Vashandi vanosanganisa kongiri kuti iite muto mukobvu, uyo wavanozodira mumafeuremu akatenderedza simbi dziya dzechivakwa.

Kana kongiri yaoma, inova yakasimba sebwe. Izvi ndizvo zvinogadzira pasi nemadziro echivakwa chacho.

9

Vashandi vanovaka chivakwa ichi vachienda mudenga, nhurikidzwa nenhurikidzwa. Nhurikidzwa dzekuzasi dzinofanira kutsigira huremu hukuru kwazvo. Kongiri inokwanisa kutsungirira kuremerwa ikoko, zvichiita kuti chivakwa chive chakasimba uye chakatsiga.

Kongiri inoumba rukoko rwakapoteredza furemu yesimbi, ichidzivirira simbi iyoyo kubva kumvura nemhepo. (Mvura nemhepo zvinoita kuti simbi iite ngura.)

10

Migocho yeerevheta inovakwawo panguva ino. Kana chivakwa chesimbi nekongiri chapera, vashandi vanoisa mahwindo. Tevere vanozoisa siringi nemadziro vopedzisa kugadzira pasi penhurikidzwa imwe neimwe.

Chivakwa chinodawo kuiswa waya dzemagetsi nemigwagwa yemapaipi emvura netsvina kuitira hutsanana.

11

Pakugumisira, vashandi vanoisa magetsi, mikova, makabhati, nezvimwe zvinhu zvinodiwa pakugara nekushandira muchivakwa ichi.

Mishelle anoti, "Maguta mazhinji makuru ari kushaya nzvimbo. Zvivakwa zvirefu zvinoshandisa nzvimbo zvakanaka. Kana ndava injiniya, ndichabatsira kuvaka chivakwa chakareba kupfuura zvose pasi rose!"

12
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Tinogara mune chivakwa chakareba kwazvo
Author - Nina Orange, Ursula Nafula
Translation - Debra Rushwaya
Illustration - Kenneth Boyowa Okitikpi
Language - ChiShona
Level - Longer paragraphs