Tinogara muchuru
Nina Orange
Kenneth Boyowa Okitikpi

Zvipembenene zvinogara mumisha yemarudzi akasiyana-siyana. Zvimwe zvipembenene zvinogara pamwe chete mumapoka makuru, vamwe vachigara vega.

Bhuku renyaya iri ndera Naeku naNaserian - hanzvadzi mbiri dzechijuru dzinogara mumafuro ekuChamhembe kweKenya.

Hanzvadzi idzi dzinogara mumushandira pamwe une majuru anosvika zviuru makumi masere.

1

Mushandira pamwe wemajuru unogara mumuchuru wakagadzirwa nevhu. Imba iyi inogona kunge iri pasi pevhu, kana pamusoro pevhu, kana kumativi ose.

Chikamu chemba iyi chatinoona pamusoro pevhu ndicho chinonzi muchuru. Mizhinji yemichuru iyi inoreba mamita maviri kusvika kune mashanu kubva pasi.

2

Majuru ari mumushandira pamwe anoita mabasa akasiyana-siyana kuitira boka rose. Naeku naNaserian majuru anoshanda. Vashandi vose vanhukadzi. "Isu tiri vavaki nevagadziri vezvivakwa!" anodaro Naeku.

Majuru anoshanda anovaka nekugadziridza muchuru wemajuru. Naserian anoti, "Tinovaka zvivakwa zvihombe uye zvine hunyanzvi hwakadzama."

3

"Rega titsanangure matorero atinovaka misha yedu," Naeku anodaro. "Tinotanga nekuchera migwagwa yepasi pevhu tichipfuura nemuvhu."

Naserian anopindira achiti, "Tinoshandisa shaya dzedu dzine simba kuchera muvhu. Tinokwanisa kutama-tamisa vhu rakawanda kwazvo!"

4

"Kuti tive nechokwadi chekuti madziro emigwagwa yedu akasimba, tinoanamira nemusanganiswa unonamira wemate nevhu," anodaro Naserian.

"Kana musanganiswa unonamira uyu ukaoma, unova nekuoma kwakafanana nekwedhaka remunyu. Michuru yemajuru inogona kugara kwenguva yakareba kwazvo," anowedzera kudaro Naeku.

5

"Ivhu ratinenge tachera tinoshandisa kuvaka muchuru pamusoro pevhu. Kazhinji muchuru unenge wakaita denderedzwa kana kuti wakapinza pamusoro setsvimbo yemutunhu, uine migwagwa yakawanda," anodaro Naserian.

"Mimwe michuru yemajuru inosvika pakureba mamita mapfumbamwe!" anodaro Naeku.

6

Majuru zvipembenene zvinogara zvichishanda pamwe chete mumapoka makuru. Ane mabasa akasiyana-siyana ekugadzira nekuchengetedza mushandira pamwe wavo.

Majuru anoshanda vakaita saNaserian naNaeku vanochera nekuvaka muchuru. Majuru anomirira kurwa anorinda muchuru chacho. Vashandi nemasoja vose vanobuda kunotsvaga nzvimbo itsva dzekuvakira michuru.

7

Majuru anochengeta anotarira mambokadzi nevana vemajuru vanonzi mhonye.

Muchuru une nzvimbo dzakasiyana-siyana. Pane dzimba dzevamambokadzi, dzimba dzevana, uye dzimba dzekuchengetera zvekudya. Migwagwa yepasi pevhu ndiyo inobatanidza nzvimbo dzose idzi.

Mambokadzi ndiye mujuru mukurusa uye ndiye anorarama kwenguva refu kupfuura mamwe ose.

8

Naserian anoenderera mberi achiti, "Tinovaka migwagwa kana mwena inobuda pamusoro kuitira kuti mhepo itsva ipinde mumuchuru mose."

Naeku anowedzerawo achiti, "Majuru anoda mhepo itsva kuti ararame." Naserian anotsanangura kuti, "Mwena iyi inobatsirawo kudzora kupisa kuri mumuchuru kuitira kuti mumba musanyanya kupisa."

9

"Tine mapindu mumuchuru medu, matinorima fungi. Tinonhonga tumedu tudiki twezvirimwa nezvimwe zvinhu zvinowanikwa mumasikirwo, izvo zvatinoshandisa kurima fungi," anodaro Naserian.

"Zvinonaka!" Naeku anodaro achifara. "Mapindu aya efungi anofudza mushandira pamwe wose. Tiri rudzi rumwe chete rwomajuru runorima fungi."

10

Mushandira pamwe wemajuru une mambokadzi namambo. Vashandi vanofudza nekudzivirira nhengo dzinokosha idzi dzemushandira pamwe.

Mambokadzi wemajuru kazhinji anorarama makore ari pakati pemakumi maviri kusvika kune makumi matatu. Anokwanisa kukandira mamiriyoni emazai muupenyu hwake hwose. Mhonye dzinovamba kubuda mune mazai aya, uye majuru anochengeta anobva atanga kudzichengeta.

11

Naserian anoti, "Hupenyu hwemajuru hwakarongeka kwazvo. Mujuru mumwe nemumwe ane zvaanoita kuti mushandira pamwe wose urarame uye ukure."

Naeku anowedzerawo achiti, "Mumwe nemumwe wedu ane basa rake, uye tinoriita. Majuru anoshanda zvakanaka pamwe chete." "Hongu," Naserian unobvuma kudaro. "Iye zvino, handei tichidzokera kunochera!"

12
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Tinogara muchuru
Author - Nina Orange, Ursula Nafula
Translation - Debra Rushwaya
Illustration - Kenneth Boyowa Okitikpi
Language - ChiShona
Level - Longer paragraphs