

Vanhu vanogara mumisha yemarudzi akasiyana-siyana. Vamwe vanhu vanogara mudzimba dzakavakwa kuti dzigare kwenguva refu. Vamwe vanogara mudzimba dzechinguva dzinoti hadzigari kwenguva yakareba.
Bhuku rino ndezve musha wechinguva unonzi manyatta, uyo unoumbwa nedzimba dzechinyakare.
Manyatta iyi iri kuchamhembe nepakati peKenya, muSamburu County. Hanzvadzi dzinonzi Sidai naNaeku vanogara mumba imwe chete, uye vabereki vavo nemunin'ina wavo mucheche vanogarawo mune imwe imba.
Sekuru vavo nehanzvadzi dzavo nhatu dzakura vanogara mune dzimwe dzimba, pamwe chete nemhuri dzavo.
Mhuri idzi dzinofudza mombe dzadzo pamwe chete uye dzinobatsirana. Hadzigari panzvimbo imwe chete kwenguva refu. Dzinotama-tama dzichitsvaga mafuro matsva emombe dzadzo.
Pakatenderedza manyatta iyi pane ruzhowa rwemapazi eminzwa. Ruzhowa urwu runochengetedza mombe mukati uye runodzivirira vanhu vasingazivikanwi kuti vasapinda.
"Tinotanga chirongwa chekuvaka nekuunganidza zvinhu kubva munharaunda yedu. Tinonhonga matavi emiti kuti tivake chimiro cheimba," anodaro Sidai.
Naeku anowedzerawo achiti, "Tinoziva kushandisa zvinhu zvinowanikwa mumasikirwo kugadzira misha yedu. Munhu wese ari mumanyatta anobatsira pakuvaka."
"Tinoshandisa matavi makuru kugadzira hwaro hwakasimba hwemadziro. Tinosungirira hwaro hwedenga pahwaro hwemadziro tichishandisa makonje (dzimbe), tichigadzira hwaro hwakasimba hweimba yese," anotsanangura kudaro Sidai.
Naeku anowedzerawo achiti, "Dzimba idzi dzine matenga akaderera, zvichiita kuti zviome kuti mhepo idzipushure kana kudzidyura."
Sidai anoenderera mberi achiti, "Kana hwaro hweimba hwangomira, tinoruka tumatavi tutete pakati pematavi makuru aya."
Naeku anowedzerawo achiti, "Tinogadzira mitsara yakakora yeuswa ndokusungirira pahwaro hwedenga. Izvi ndizvo zvinonzi kupfirira."
"Kupfirira kwakanaka kunotidzivirira kubva kunaya kwemvura pamwe nezuva," anopedzera kudaro Sidai.
Sidai anoenderera mberi achiti, "Kana hwaro hweimba hwangomira, tinoruka tumatavi tutete pakati pematavi makuru aya."
Naeku anowedzerawo achiti, "Tinogadzira mitsara yakakora yeuswa ndokusungirira pahwaro hwedenga. Izvi ndizvo zvinonzi kupfirira."
"Kupfirira kwakanaka kunotidzivirira kubva kunaya kwemvura pamwe nezuva," anopedzera kudaro Sidai.
Sidai anoenderera mberi achiti, "Kurovera dhaka mumadziro kunoavhara kana madziro iwayo akaoma. Tinotsitirawo pamusoro pemadziro acho. Dhaka rakaoma rinenge rakasimba uye rakatsiga."
Naeku anowedzerawo achiti, "Hapana mafafitera mumadziro, asi imba yedu ine gonhi remuti."
"Kutsitira madziro kunochengetedza kudziya kana kutonhorera kwemba," anodaro Sidai. "Kuchengetedza kudziya (insulate) zvinorevei?" kubvunza kunoita Naeku.
"Madziro edhaka nendove anobatsira kuti mumba mugare makatonhorera kana kunze kuchipisa. Kuzoti kana kunze kuchitonhora, madziro anobatsira kutidziyisa mumba nekuchengetedza kupisa kunobva pamoto," anopindura kudaro hanzvadzi yake.
"Munhu wese ari mumanyatta anobatsira pakuvaka, uye tese tinobatsirana kupaza dzimba idzi kana tave kutama.
Hazvina kuoma kupaza dzimba idzi uye kushandisazve zvinhu zvacho kune imwe nzvimbo itsva," anotsanangura kudaro Sidai.
"Zvinhu zvedu zvekuvakisa zvakareruka, saka zviri nyore kuzvitakura. Tinoshandisa makamera kana madhongi kutakura zvinhu zvose zvinobatsira kubva kune yaimbova manyatta yedu. Semuenzaniso, uswa hwedenga," anodaro Sidai.
Naeku anowedzerawo achiti, "Tinogona zvare kunhonga zvimwe zvinhu zvekuvakisa kubva mumasikirwo enzvimbo itsva yatinenge taenda."
"Musha wedu unokwanirana nemararamiro atinoita, ekutama-tama nemapoka ezvipfuyo zvedu," anodaro Sidai.
"Kutama-tama uku kunoreva kuti hatikwanise kuenda kuchikoro nguva dzose neshamwari dzedu," anodaro Naeku.
"Chikoro chedu chinotitendera kukwereta mabhuku, uye tinoedza nepese patinogona kuti tisasarira kumashure nezvidzidzo zvedu," anowedzera kudaro Sidai.

