

Terna aiva murume asina pekugara. Akanga achitsvaga michero mumasango kuti adye.
Dzimwe nguva airara imomo makudo nemagwirira zvakamutarisa zviri mumiti nemuzvitsaka.
Akafamba-famba nesango achiona miti yakawanda kwazvo.
"Miti iyi ingori pano ichitotambisa nguva," akafunga kudaro.
Aneta nekufamba-famba, akagara pasi, akazendamira pane mumwe wemiti iyoyo ndokubatwa nehope.
Miti yakamudzivirira kubva kuzuva, shiri dzichibhururuka kumusoro kwake dzichiimba nziyo dzinonakidza.
Akafunga zano.
"Kana ndikandeya mimwe yemiti iyi, ndinogona kuwana mari uye ndova muridzi wedzimba dzoumambo dzakawanda."
Akaenda kumusha akanokwereta jeregara. Akatanga kutema miti iyoyo.
Gwirira rakamukumbira richiti, "Ndapota, usateme miti iyi. Ino ndiyo misha yedu pamwe neshiri. Michero yayo ndicho chikafu chedu."
"Ndinoda mari kuti ndivake musha wangu," akadaro Terna.
"Udyire huri mauri kuti uparadze misha yemhuka neshiri dzakawanda kudaro kuti uvake wako," rakadaro gwirira. Terna akademba zvikuru. Akadonhedza jeregara riya pasi ndokumbundira gwirira riya.
Shamwari yake, gwirira, akamupa zano rekuti anogona kushandisa dhaka kugadzira zvidhina. Zvadaro oshandisa huswa nematanda akaoma kuti avake denga remba.
Nenzira iyoyo, vese vaigona kuva nemisha yavo.
Terna akabvuma. Akanga achishanyira gwirira riya kazhinji. Gwirira rakamubvumidza kuti atanhure michero yakawanda nematanda akaoma sezvaaigona.
Vakazova shamwari dzekufa nadzo.

