

Mune mamwe musha, kwaive nemukomana anonzi Abula.
Akanga asingadi kuverenga kana kutovhura bhuku chairo. Akanga ari mudzidzi ane usimbe. Hunhu hwake hwakange hwakashata kwazvo.
Abula akaba mari yaamai vake kuti atenge zvihwitsi. Kunyangwe amai vake vakaiviga, iye aitoiwana oitora.
Apedza kudya zvihwitsi zvake zvose, Abula aienda kunotamba neshamwari dzake.
Pasure penguva yakati, Abula akarega kuenda kuchikoro. Aipedza zuva rose ari kunze achitamba, achizodzoka kumba manheru chete.
Amai vake vakaona izvi, vakatanga kushushikana.
"Mwanakomana wedu haasi kuzvibata zvakanaka. Handifungi kuti ari kuenda kuchikoro. Uyewo ari kundibira mari," vakadaro amai vaAbula.
Akati kumudzimai wake, "Nguva inotevera, viga mari yacho mumapeji ebhuku. Haatombo vhura bhuku zvachose, saka mari yacho ichange yakachengeteka imomo."
Mangwana acho, Abula akatsvaga mari yaamai vake. Akatsvaga kwese kwese asi haana chaakawana.
Akafunga zano rekuenda kumusika waiva pedyo kuti anotsvaga mari ikoko.
Baba vake vakaona kwainge kwakananga Abula.
"Mwanangu, ndinoziva chikonzero chauri kuendera kumusika. Iye zvino chidzokera mumba unotsvaga mari mumabhuku," vakadaro.
Abula akashamiswa kwazvo, asi akaenda akanotsvaka mumabhuku acho.
Akawana mari iye yainge yakavigwa naamai vake.
Mangwana acho, akatarisa mumabhuku zvakare. Asi pakanga pasina chinhu chakavigwa imomo.
Akaenda kuna baba vake kunovabvunza kuti sei makanga musina mari mumabhuku acho.
Baba vake vakanyemwerera vakapindura vachiti, "Mwanangu, unoda kuwana mari yakakwana kutenga zvihwitsi zvakawanda here?"
Abula akapindura akati, "Hongu, baba."
Baba vake vakati, "Ndeya nzeve unzwe mwanangu. Verenga mabhuku ako uye pinda muzvidzidzo zvako. Mumabhuku uchawanamo mibairo. Usakanda mapfumo pasi."
"Asi baba, kuverenga ibasa rakaoma. Mabhuku anofinha!" Abula akapindura kudaro.
Kwechinguva duku, baba vaAbula vakanyarara. Vakafunga mazano ekukurudzira mwanakomana wavo.
Zvino vakati kuna Abula, "Handei tinoverenga tese. Ndichakubatsira kuwana hupfumi huri mumabhuku."

