Tom mutengesi wemabhanana
Humphreys Odunga
Atilabachew Reda

Tom akatakura tswanda yakazara mabhanana akaibva.

1

Tom akaenda kumusika kunotengesa mabhanana.

2

Vanhu vari pamusika vari kutenga michero.

3

Asi hapana munhu ari kutenga mabhanana aTom.

Vanoda kutenga michero kubva kuvakadzi.

4

"Munharaunda medu, vakadzi chete ndivo vanotengesa michero," vanhu vakadaro.

"Murume akaita sei uyu?" vanhu vakabvunza kudaro.

5

Asi Tom haana kukanda mapfumo pasi.

Akadaidzira achiti, "Tengai mabhanana angu! Tengai mabhanana angu akaibva uye anotapira!"

6

Mukadzi mumwe chete akatora tsumbu remabhanana patswanda paya.

Akanyatsocherechedza mabhanana iwayo nemaziso anotsvakisisa.

7

Mukadzi uya akatenga mabhanana aya.

8

Vanhu vakawanda vakauya pasitari yacho.

Vakatenga mabhanana aTom ndokudya.

9

Pasina nguva, tswanda yakange yasarara isina chinhu.

Tom akaverenga mari yaakange awana.

10

Tom akazotenga sipo, shuga, pamwe nechingwa.

Akaisa zvinhu zvacho mutswanda make.

11

Tom akadengezera tswanda iya mumusoro make ndokubva aenda kumba.

12
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Tom mutengesi wemabhanana
Author - Humphreys Odunga
Translation - Debra Rushwaya
Illustration - Atilabachew Reda
Language - ChiShona
Level - First sentences