

Katsi naImbwa ishamwari dzakanaka.
Vakafunga kushanyira shamwari yavo, nhiyo, pazuva rake rebhavhadhe.
Nhiyo aigara mune mumwe musha. Zvaizotora katsi naImbwa mazuva maviri kuti vasvikeyo.
Katsi naImbwa vaive netsika dzakasiyana zvakanyanya.
Imbwa aida kudya nekurara, uye aive nemusikanzwa dzimwe nguva.
Katsi aive nemoyo munyoro, aive nerubatsiro, uye aivimbika.
Vakasangana kumba kwaImbwa kuti varonge rwendo rwavo.
"Ini ndichauya neizvo zvichadyiwa pazuva rokutanga," Imba akadaro achizvipira.
"Ini ndichauya neizvo zvichadyiwa pazuva rechipiri," Katsi akadaro.
Vakanyora zvinhu zvose pasi kuti vasazokanganwa.
"Zvichange zvinofadza kuona Nhiyo munguva pfupi iri kutevera. Patakapedzisira kuona shamwari yedu pakaenda nguva yakati rebei," Imbwa akadaro achiperekedza Katsi kumba kwake.
"Ndatenda nekundiperekedza kusvika kumba," Katsi akadaro kuna Imbwa.
Vakasangana mangwanani-ngwanani pazuva rakatevera kuti vatange rwendo rwavo.
Vakaenda vachiimba nekudzana nemufaro munzira.
Mushure menguva vakati, vakambozorora pasi pemuti mukuru. "Ndine nzara! Ngatidyei," kudaro Katsi.
Imbwa akamhanya-mhanya kupaura zvidyo mumidziyo miviri. Chikafu chacho chakange chakazara mafuta nemvura.
Katsi akabvunza kuti, "Ichi ndicho chikafu chawauya nacho chedu tese here?"
Katsi akange akatsamwa nekuti shamwari yake haina kuuya nechikafu chavakange vabvumirana. Haana kudya chikafu chaImbwa ichocho.
"Sei wakamirira?" Imbwa akabvunza kudaro. Akange aine tariro yekuti Katsi achamira kunyunyuta odya.
Nekugumbuka, Katsi akabvunza kuti, "Sei wauya neizvo zvodyiwa zvaunoda iwe chete?"
Imbwa akange odya nekuchimbidza zvekuti mudziyo wakatsveedza.
Chikafu chose chaImbwa chakamwarika pasi.
"Usazvidya moyo shamwari yangu," Katsi akadaro.
Katsi akaburitsa masangwichi akanaka kwazvo. Akatanga kudya.
Imbwa akatarisa chikafu chaKatsi nemaziso ekukumbira.
Katsi paakapedza kudya, akatsvaira zvinhu zvake ndokuudza Imbwa kuti, "Chimboti tichienderera mberi nerwendo rwedu?"
Havana kuzotaura kwese kwasara kwerwendo. Dumbu raImbwa raichema nenzara.
Manheru iwayo, Katsi akazvipaura chikafu chake. Akazoenda kunorara achifara nekuti akange auya neizvo zvodyiwa zvakakwana.
Imbwa akaenda kunorara aine nzara.
Mangwanani, Katsi akazvipakurira kachikafu kemangwanani kashoma. Imbwa haana kukwanisa kurega kutarisa chikafu chaKatsi.
Katsi akapawo Imbwa chimwe chikafu.
Imbwa akati, "Ndikanganwirewo. Ndakange ndine udyire kwazvo."
Katsi akapindura achiti, "Ngatidyei tese."
Vakagara pasi ndokutanga kudya.
Vachiri kuenderera mberi nerwendo rwavo, vakange vave shamwari zvakare!
Vakasvika kumba kwaNhiyo nenguva kwayo.
"Rwendo rwenyu rwange rwakaita sei shamwari dzangu?" Nhiyo akabvunza kudaro.
Vachinyemwererana, Katsi naImbwa vakapindura vachiti, "Rwange rwakanaka kwazvo."
Chokwadi rakange riri bhavhadhe rakazonaka kwazvo.
Vakadya, vakaimba, ndokudzana nemufaro!


