

Mandu aigara nasekuru nambuya vake, tateguru vake pamwe chete natete vake. Akange ane huku, mbudzi, hwayi nenguruve.
Huku yaigara muchizarira chidiki. Mbudzi, hwayi nenguruve imwe neimwe yakasungirirwa parutivi pemadziro. Sekuru nambuya vakange vachiri vakasimba mumuviri. Tete natateguru vaibatsira pamabasa ose.
Izvi zvakazoshanduka pashure pemakore mashoma. Sekuru nambuya vaMandu vakange vave kukura zvakanyanya zvokuti vakange vasingachanzwi kana kuona zvakanaka.
Tete vake vakange vave kurwarwara uye vasingachakwanisi kubatsira kuchenesa mumba.
Tateguru vake vaivata nguva dzose uye vakange vasingachabatsiri kudyisa zvipfuyo.
Zvipfuyo zvaita ruzha rukuru nekuti zvainge zvine nzara.
Imba yainge yakasviba zvakanyanya nekuti tete vakange vasisachenese.
Mandu aineta nguva dzose. Aifanira kubuda mazuva ose kunotsvakira vose chikafu.
Mandu akange asingachakwanisi kushingirira mamiriro ezvinhu aya. Akakumbira sekuru nambuya vake mhinduro yedambudziko iri. Akange asina mufaro nekuti sekuru nambuya vake vakange vasingachamunzwi.
Tete vake vairwara vakati, "Chandinoda chete kukwanisa kurara usiku nekuzomuka mangwanani."
Tateguru vake vane nungo vakati, "Tengesa zvipfuyo utenge chikafu chasekuru nambuya vako. Vacharara uye havazokunetsi."
Mandu akatsamwa kwazvo. Akati, "Tateguru, munoziva kuti handigoni kutengesa zvipfuyo izvi. Ndiyo chete pfuma yandainayo."
Humwe usiku Mandu akange akasvinura. Akarangarira mumwe murume akachenjera aive nemukurumbira wekuva nemhinduro kumatambudziko ose.
Mandu akatora zvipfuyo zvake ndokushanyira murume akachenjera uyu. Akange akabata tambo dzainge dzakasungwa pambudzi, pahwayi nepanguruve, akatakura huku mumaoko.
Mandu akasvika pamba pemurume akachenjera iye aneta uye ane nzara.
Mushure mekutsanangura dambudziko rake kumurume akachenjera uyu, murume uyu akati, "Ndichakubatsira asi unofanira kuita zvose zvandichakuudza."
Mandu akapindura achiti, "Ndichaita chero chii zvacho kuti ndigadzirise dambudziko rangu."
Murume akachenjera akati, "Siya zvipfuyo izvi pano ugondodzokera kumba kwako."
Mandu akati, "Asi ndagara nezvipfuyo zvangu kwenguva refu kwazvo. Ndiwo pfuma chete yandainayo."
Murume akachenjera akati, "Ndukuudza kuti ndichakubatsira asi unofanira kuita sezvandataura."
Mandu aida mhinduro yedambudziko rake. Akasiya zvipfuyo zvake ndokudzokera kumba.
Imba yake yakange yakanyarara zvakanyanya uye isina chinhu. Munhu wese akange asuwa zvipfuyo zviya. Sekuru nambuya vaMandu vakanyunyuta nekuti vakange vasisina mukaka waibva kumbudzi.
Tateguru vakati, "Tave varombo zvakanyanya, munhu wese ari kutiseka."
Mandu akange asingachakwanisi kushingirira kunyunyuta uku. Pamusoro pazvo, iye amene akange asuwawo zvipfuyo zvake.
Akadzokera kumurume akachenjera kunotsvaga zano. "Upenyu hwasiyana zvakanyanya pasina zvipfuyo zvangu mumba. Hama dzangu dzazvisuwa zvokudarika."
Murume akachenjera akati, "Ndichakubatsira asi unofanira kuita sezvandikuudza. Enda kumba utore sekuru nambuya vako ubude navo mumba."
Mandu akati, "Ndingazviita seiko izvozvo? Ndiwo sekuru nambuya vangu uye vanovimba neni."
Pakupedzisira, Mandu akaenda kumba ndokuita sezvaakange audzwa. Akange asina rugare mupfungwa dzake.
Sekuru nambuya vake vakange vasina kwekuenda. Vakadzungaira pose pose, vachiedza kusagumbura zvinhu. Vakanzwa kupisa masikati nekutonhorwa kukuru usiku.
Tete vake vairwara vakachema vachiti, "Usandirasira panze!"
Tateguru vake vane nungo vakachemawo vachiti, "Neniwo usandirasira panze!"
Mandu akange asingachakwanisi kuzvitakura. Akadzokera kumurume akachenjera akavhiringika uye akatsamwa kwazvo.
Akachema achiti, "Izvi zvanyanya kumunhu mumwe chete. Ndipeiwo zano riri nani pane iri."
Murume akachenjera akati, "Tora zvipfuyo zvako uende nazvo kumba, uye dzosera sekuru nambuya vako mumba."
Mandu akaita sezvaakange audzwa. Tete vake vakati, "Ndichachenesa imba ino."
Tateguru vake vakamira kuva nenungo ndokubatsira Mandu pabasa. Vose vakafara zvakare.

