Dhadha naNjiva
Sponono Mahlangu
Tebogo Matshana

"Kwiyo! Kwiyo! Kwiyo"

"Kwa! Kwa! Kwa!"

"Kwiyo! Kwiyo! Kwiyo!"

Dhadha naNjiva, zvakasangana padziva remazuva ose riri pedyo nerwizi. Shamwari idzi dzaive dzechipamuvhu.

1

Raive zuva raipisa kwazvo.



Dhadha akanyura mumvura. Njiva akafunga ichiti, "Zvinofanira kunge zvichinakidza kushambira."



Mushure mekudira musoro waro mumvura, Dhadha akati, "Ungada kushambirawo here? Kwira pamusana pangu ndigokudzidzisa."

2

Nguva imwe neimwe Dhadha paakaedza kunyura mumvura aina Njiva pamusana pake, Njiva aibhururuka achienda mudenga.

Njiva akafunga neshungu achiti, "Handizombokwanisi kushambira saDhadha."

Dhadha akasara ari oga mumvura.

3

"Chii chaita Njiva? Wandiodza mwoyo. Ungandisiya sei ndiri ndoga mumvura?" Dhadha akanyunyuta kudaro.



Njiva akapindura achiti, "Ndiri kutya kunyura."



"Ndanga ndichifunga kuti unoda kudzidza kushambira sezvandinoita," akadaro Dhadha.

4

"Tswiyo! Tswiyo! Tswiyo! Dhadha, rega ini ndikudzidzise kubhururuka pane izvozvo. Kushambira kwakanyanya kuoma!"


Njiva akakwira paruware rukuru. Dhadha akatevera.



Chinguva chidiki chakatevera, Njiva akange ave pamusoro pemuti murefu. Dhadha akatadza kutevera.

5

Dhadha akanzwa kusuruvara. Akafunga nehasha achiti, "Njiva haana nehanya chose. Ini ndiri dhadha kwete njiva. Ndakajaira kushambira kwete kubhururuka."

Njiva aida kunyaradza shamwari yake.

6

Vakagara pasi paruware vakanyarara.


Pakupedzisira, Njiva akati, "Shamwari yangu, nhasi ndadzidza kuti handizombokwanisi kushambira sewewe. Uye iwe hauzombokwanisi kubhururuka seni. Ini ndinobhururuka, iwe uchishambira."


Vakambundirana nerudo rukuru.

7

"Isu tiri madhadha, kana tichishambira, tinonyudza misoro yedu tichiti, 'Kwaa kwaa kwaa gxadada! Kwaa kwa kwa gadada!'"

"Isu tiri shiri, kana tichibhururuka, tinopfapfadzira mapapiro edu tichiti, 'Tsiyo, tsiyo, tsiyo!'"

8
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Dhadha naNjiva
Author - Sponono Mahlangu
Translation - Debra Rushwaya
Illustration - Tebogo Matshana
Language - ChiShona
Level - First paragraphs