

Tsuro akange akarara pazasi pemuti wemahapuro. Hapuro rakabva radonha.
Izwi rakadaidzira, "Mhanya Tsuro, mhanya!" Akabva amuka neku kurumidza achimhanya zvine simba.
Akabva asangana na Huku. "Ko urikumhanyeiko?" akadaro Huku. Tsuro ndobva apindura, "Handizive, ndanzwa chinhu chichidonha ndobra ndazwa izwi richidaidzira, "Mhanya Tsuro, mhanya!"
Huku akange otya. Akatanga kumhanya mushure mekunge anzwa zvanga zvataurwa naTsuro.
Vakabva vasangana naImbwa. Imbwa ndobra abvunza, "Ko murikumhanyeyi?" Huku akabva ati, "Handizivi. Ndangonzwao zvataurwa naTsuro. Anzwa chinu chadonha ndokubva izwi rati, "Mhanya Tsuro, mhanya."
Imbwa ndobva ashamiswa nezvaainzwa. Akabva atanga kumhanya naTsuro naHuku.
Vakabva vasngana na Bhiza. Bhiza ndobva abvunza Imbwa kuti, "Ko murikumhanyei?"
"Handizivi," akadaro Imbwa. "Ndanzwa zvataurwa naHuku, iye haazivewo. Anzwawo zvataurwa naTsuro, chero iye haazivewo. Angonzwa chinu chadonha nezwi richiti, 'Mhanya Tsuro, mhanya!'"
Bhiza akabva atangawo kumhanya nevamwe.
Vakabva vasangana naMbongoro. Mbongoro akabva abvunza, "Ko murikumhanyeiko?" Bhiza ndobva ati, "Handizivi. Ndangonzwa zvataurwa na Imbwa, naiyewo haazive. Anzwawo zvataurwa na Huku, naiyewo hapana chaakuziva. Anzwawo zvataurwa naTsuro, naiyewo haana chaakuziva. Angonzwa chinhu chadonha ndobva izwi radeedzera kuti, 'Mhanya Tsuro, mhanya.'"
Naizvozvo Mbongoro akabva amhayawo.
Vakabva vasangana naMombe. Mombe akabva abvunza, "Ko murikumhanyei?" Mbongoro akapindura achiti, "Handizive. Ini ndaznwa zvataurwa naBhiza, asi naiyewo haazivewo. Anzwawo zvataurwa naImbwa, naiyewo haana chaakuziva. Iye anzwawo zvataurwa na Huku, naiyewo hapana chaakuziva. Anzwawo zvataurwa naTsuro, naiyewo haazive. Ati angonzwa chinhu chichidonha ndokunzwa izwi rati, 'Mhanya Tsuro, mhanya!'"
Mombe akabva anetseka nazvo, ndokubva atangawo kumhanya.
Vakabva vasangana na Kiti. Kiti akabvunza. "Ko murikumhanyeiko?" Mombe akapindura kuti haazive, angonzwa zvatuarwa naMbongoro, nayewo hapana chaakuziva. Iyewo anzwa zvataurwa naBhiza, naiyewo haana ruzivo. Angonzwa zvataurwa na Imbwa, nayewo hapana chaanoziva. Anzwa zvataurwa naHuku naiyewo hapana chaanoziva. Iye angonzwa zvataurwa naTsuro, ati pane chinhu chadonha, ndokubva anzwa izwi radaidzira kuti, "Mhanya Tsuro, mhanya."
Kiti, akabva amhanya nedzimwe mhuka.
Vakabva vasangana nemukomana akanga akakwira bhasikoro,ndobva abvunza, "Ko muri kumhanyei?" Mhuka dzakapindura, "Hatizive. Tanzwa zvataurwa naTsuro, iyewo haazive kuti chii. Anzwa chinhu chadonha nezwi richiti, 'Mhanya Tsuro, mhanya!'"
Mukomana akaseka ndokuti, "Hapuro radonhedzwa nemhepo. Ini ndokubva ndati, 'Mhanya Tsuro, Mhanya!'"

