

Uyu ndi Kiti.
Uyu ndi Imbwa.
Kiti na Imbwa vanoda kuita mufananidzo. Kiti na Imbwa vanoda kuisa ruvara. Kiti na Imbwa vanoda kugadzira mufananidzo.
Imbwa ndiye anotanga.
Imbwa anotora penzura ne bepa. Bepa racho riri sikweya.
Pekutanga Imbwa anogadzira denderedzwa.
Denderedzwa ndere muviri waKiti.
Aah, zvakareruka izvi!
Imbwa anogadzira magonyatatu (triangles) maviri pamusoro pedenderedzwa rekutanga.
Magonyatatu aya ndiwo nzeve dza Kiti. Anobva agadzira rimwe gonyatatu dema mukati medenderedzwa.
Apedza anogadzira maziso netsiye dzaKiti.
Maziso aKiti madodzi (dots) maviri.
Tsiye mitsetse miviri.
Aah, zvakareruka izvi!
Apedza, Imbwa anoisa muromo waKiti.
Muromo wacho kamutsetse kadiki.
Vhudzi rinotaridzika sa 'w' paanoriisa mumusoro.
Mabvudzi matatu kuruboshwe nemabvudzi matatu kurudyi.
Mufananidzo wavepedyo nekupera.
Imbwa anoisa maoko nemakumbo aKiti.
Zvigunwe tumadenderedzwa tudiki. Obva aisa muswe waKiti. Muswe wacho mutsetse wakareba.
Kwekupedzisira Imbwa anonyora mitsetse mumuviri waKiti obva aisa ruvara rwakaita se ranjisi (orange).
Mufananidzo wapera.
Aah, zvakanaka izvi!
Zvino yava nguva yaKiti yekugadzira mufananidzo wa Imbwa.
Kiti anotanga nekugadzira denderedzwa.
Denderedzwa ndiro muviri wa Imbwa.
Aah, zvakanaka izvi!
Apedza Kiti anoisa nzeve dza Imbwa pamusoro pedenderedzwa. Anoisazve kadenderedzwa katema mukati medenderedzwa rekutanga.
Kadenderedzwa katema ndiko mhino. Anobva anyora kamutsetse pamusoro pemhino.
Apedza izvozvo, Kiti anoisa maziso netsiye.
Maziso madodzi maviri.
Tsiye mitsetse miviri.
Aah, zvakanakisa izvi!
Kiti anoisa muromo wa Imbwa.
Muromo wacho kamutsetse.
Muromo waImbwa unoita sa 'w'. Kiti anobva aisa tumadodzi twakatenderedza muromo wacho.
Tumadodzi tutatu kuruboshwe tumwe tutatu kurudyi.
Mufananidzo wavepedyo nekupera. Kiti anoisa maoko nemakumbo.
Maoko nemakumbo anogadzira nemitsetse obva aisa zvigunwe zva Imbwa.
Zvigunwe tumadenderedzwa tudiki. Apedza Kiti anoisa muswe.
Muswe wacho unenge ruva.
Pekupedzisira Kiti anoisa tuma denderedzwa tuviri mumuviri wa Imbwa obva aisa ruvara rwehuroro (yellow).
Mufananidzo wapera zvino.
Chisara Kiti.
Chisara mufananidzo waKiti.
Chisara Imbwa.
Chisara mufananidzo waImbwa.

