"Tisvikewo!" Pamukova panogogodzwa zvine ruzha.
Ruvarashe anonzwa kufara zvikuru. "Ndiyani?" anobvunza. "Amai, panze pane vayenzi!"
"Zvakanaka," amai vake vanodavira. "Vanofanira kunge vari Mai Mutasa. Vavhurire vapinde."
Ruvarashe anovhura mukova achinyemwerera. "Titambire amai, pindai zvenyu. Amai vangu vachava nemi zvino-zvino." Mai Mutasa vanonzwa kufara kwazvo.
"Ndikutsvagirei chekunwa here?" Ruvarashe anobvunza. "Rega kuzvinetsa zvako Ruvarashe, parizvino ndakakwana," Mai Mutasa vanodavira.
"Maswera sei, Mai Mutasa?" Mai vaRuvarashe vanobvunza. "Ndineurombo kukugadzikai mega kwenguva refu." "Kwete shamwari, Ruvarashe anditandadza kwazvo."
Amai vaRuvarashe vanonyemwerera. "Chokwadi, Ruvarashe anogona kutandadza vayeni samare. Anondifadza chose," mai vaRuvarashe vanopindura.