Nhanga raMai Maneo
Marion Drew
Marion Drew

Rimwe zuva, Mai Maneo vakadyara mhodzi yenhanga. Yakakura kuita zinhanga guru. Nhanga rakakura rikavhara nzira yekupinda mubindu.

1

Mai Maneo vaida kusudurudza nhanga paraive. Vakaenda kumuvakidzani wavo. "Mai Mapalesa, ndinokumbira mundibatsire kubvisa nhanga rangu pariri. Rakavhara nzira," vakadaro Mai Maneo. Madzimai maviri akasunda akasunda, asi nhanga harina kubva.

2

Vakaenda kuna Mai Masello. "Tinokumbira kuti mutibatsirewo kubvisa nhanga raMai Maneo munzira!" vakakumbira. Mai Masello vakauya kuzovabatsira. Madzimai matatu akasunda, akasunda asi nhanga harina kubva. "Handizivi kuti todini," vakadaro Mai Maneo.

3

Pakarepo pakabva pasvika kakonye kadiki mubindu raMai Maneo. Kaiva kaine nzara. Kakan'en'ena nhanga. "Mira," Nhanga rakadaro. Asi kakonye kakaenderera mberi kachin'en'ena.

4

"Mira! Urikunditekenyedza," nhanga rakadaro. "Handizvidi." Nhanga rakabva rakunguruka richidzika nechuru.

5

Nhanga rakamira rave mumunda pazasi pechuru. Vafudzi vaviri vaidarika nepo vakariwona. "Toita sei nenhanga iri?" vakabvunzana. "Ngatiridyei," vakabvumirana, "rinenge rinonaka."

6

Vafudzi vakatora zidombo ndokuedza kupwanya nhanga.

7

"Aiwa!"Nhanga rakachema. Vafudzi vakasvetuka vachidzokera shure. Nhanga rakatanga kutsemuka rega.

8

Munhanga makabva mabuda chimukadzi chaiva neruoko rumwe, ziso rimwe negumbo rimwe. Chaityisa. "Musandikanganise," chakadaro nezwi riri pamusoro. "Ndiri mambokadzi wemanhanga." Nhanga rakabva ravharazve.

9

Vafudzi vakatya zvikuru. Vakamhanya kumba kunoudza vabereki. "Inga tine rombo rakanaka!" vabereki vakadaro. "Hamuzivi mambokadzi wemanhanga?" "Inhanga rakakosha chaizvo," vabereki vavo vakavaudza. "Munofanira kurisiya rakadaro."

10

"Muzhizha rinotevera nhanga richavhurika rega, mambokadzi vomwaya mhodzi dzenhanga mumatunhu ese. Tinobva tava nemanhanga akawanda ekudya," vakadaro vabereki.

11

Mumwaka wezhizha wakatevera, nhanga raMai Maneo rakaputika rikavhurika; raiva rakazara mhodzi dzakawandisa.

12

Munhanga makabuda mambokadzi wemanhanga. Negumbo rake rimwechete akabuda munhanga. Neziso rake rimwechete akatarisa matunhu ese. Neruoko rwake rumwechete akamwaya mhodzi mumatunhu ese.

13

Mhodzi dzakakura kuita manhanga mumapindu emumatunhu ese. Mumwaka wechando vanhu vese mumatunhu vaiva nemanhanga ekudya akawanda. Vakaenda kunoona Mai Maneo. "Tinotenda Mai Maneo!" vakadanidzira.

14
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Nhanga raMai Maneo
Author - Marion Drew
Translation - Lilian Chaminuka
Illustration - Marion Drew
Language - ChiShona
Level - Longer paragraphs