

Kare kare kwaiva nevamwe mbuya vaiva nehunyanzvi hwekurima.
Mwanasikana wavo akaroorwa nemurume aigara mhiri kwerwizi.
Mbuya vakarongedza mupfarinya, nyemba nemadhumbe mutswanda yavo. Vaishanyira mwanasikana wavo nemukwasha wavo.
Vayambuka rwizi, vakanzwa izwi ravasingazivi richiti, "Gadzika pasi tswanda iyo!"
Mbuya vakabvunza, "Ndiwe ani?"
Izwi rakapindura, "Ndini mambo wesango. Ndinokonzera kuti vanhu varware nemudumbu nedzihwa. Ndinoita kuti vapindwe nechando vachibvunda."
Nekutya, mbuya vakakanda tswanda yavo pasi vakamhanya.
Pavakasvika kumukwasha wavo, vakamuudza nezve izwi iri rakavavhundutsa.
Mukuwasha wavo akati, "Pamunouyazve kuzoshanya, mutore imbwa yenyu muise mutswanda yenyu huru."
Kwapfuura vhiki, mbuya vakatora zitswanda ravo vachienda kunoshanyira mwana wavo nemukwasha wavo.
Vayambuka rwizi, vakanzwa izwi riya richiti, "Gadzika pasi tswanda yako! Ndini mambo wesango. Ndinokonzera vanhu kuti varware nemudumbu nedzihwa. Ndinoita kuti vapindwe nechando vachibvunda!"
Vakagadzika tswanda yavo pasi, vachibva vabva ipapo ndokumira nechekure vachiona kuti chii chaizoitika.
Pane mhuka yakabva yabuda kubva pasi pezambuko. Kaingova katsuro kadiki!
Nekukurumidza, tsuro yakabvisa muvharo wetswanda.
Iyoo! Yakabuda imbwa yaiva yakatsamwa! Ndipo pakaperera tsuro.

