Pfumo raThabani
Khanyi Dubazana
Rob Owen

Thabani aiva mukomana wechidiki aiva nemumhu mudiki. Aiva nemukoma wake aiva akasimba, akanaka ari murwi wehondo anoremekedzwa. Thabani aiona mukoma wake Qhawekazi segamba.

1

Mumwe musi Qhawekazi akapa Thabani chipo chepfumo. Thabani akazara nemufaro! Qhawekazi aiziva kuti Thabani aizokura kuva mukomana muhombe uye akasimba nekugwinya, achizorwawo hondo achikunda.

2

Nedzimwe nguva Qhawekazi aienda kunorwa hondo. Aikunda dzimwe hondo odzoka ainemibairo. Dzimwe nguva aikundwa odzoka aine maronda.

3

Thabani aibva aimba nziyo dzekuremekedza mukoma wake kana akunda muhondo.

4

Kana Qhawekazi akundwa muhondo, Thabani airapa maronda ake.

5

Mangwanani oga oga, Thabani aitora pfumo rake orodzera padombo. Ainyatsofarira chipo chaakapihwa nemukoma wake.

6

Pfumo rakanga ranyatsovezwa ragadzirirwa kushanda. Paienda Qhawekazi kuhondo, Thabani aishuvira kuendawo naye. Asi aizokumbira ruregerero achiti achiri kurodza pfumo rake.

7

Thabani akaenderera mberi nokurodza pfumo, chero hazvo rakanga rakarodzeka. Pfumo rakaguma raita diki nekurodzwa kusvikira raenzana nebanga.

Rimwe zuva Qhawekazi akati, "Thabani, iwe wakura nepfumo rako rarodzeka zvekuti richishanda."

8

"Tora pfumo rako tiende," akadaro Qhawekazi. Haana kupa Thabani nguva yekufunga.

Thabani akatevera mukoma vake achiderera. Qhawekazi akazoona nguva yapera kuti pfumo raiva ratopera nekurodzwa.

9

Vakasvika kuhondo. Thabani aiva nekapfumo kake kapfupi achitya. Qhawekazi akaisa munin'ina wake kumashure kwake kuitira kuti amudzivirire. Pfumo raThabani raiva risisabatsire kuhondo.

10

Qhawekazi akakuvadzwa pakurwisana muhondo iyi. Thabani akabatsira mukoma wake kuti vaenderere mberi nehondo. Akashandisa kapfumo kake kucheka mashizha ekuvhara maronda aQhawekazi nevamwe varwi vehondo.

11

Vakadzoka kubva kuhondo vachifara. Qhawekazi akabatsirwa naThabani, Thabani akabatsirwawo naQhawekazi. Muvengi akakundwa!

12
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Pfumo raThabani
Author - Khanyi Dubazana
Translation - Lilian Chaminuka
Illustration - Rob Owen
Language - ChiShona
Level - Longer paragraphs