Nhimbe
Blessing Nemadziva

Ngo! Ngo! Ngo!

Takanzwa bhero remumusha rorira mangwanani.

"Vakomana, mukai mugadzire mapadza," mbuya vakadaidzira kubva muimba yavo yekurara.

1

Takashama nyaya ndokubuda mumagumbeze.

Musi wacho kwaiva nenhimbe kumunda kwaMbuya Sigauke.

Takaenda kuhozi kunotora mapadza ese anga ariko.

2

Takatakura mapadza ese kuenda kumunda.

Vanhu vemumusha wekwa Chamutsa vakauya kuzobatsira Mbuya Sigauke.

3

Munguva yekurima yega-yega vanhu vese vemumusha vanobetsera vakwegura kusakura muminda yavo.

Munhu wese anopihwa nzvimbo yekusakura.

Nzvimbo iyi inonzi ndima.

4

Zuva rorova nhongonya, vanhu vakagara pasi pemuti weMutsamvi kuti vazorore.

Mbuya Sigauke vakapa vanhu maheu kuti vamwe.

Vanhu vakazorora vachimwa maheu.

5

Vabva kunozorora, vanhu vakapedzisa kusakura mumunda.

Mbuya Sigauke vakafara zvikuru. Vakatenda vanhu vese vemumusha nekuvabatsira.

6

Munyika yeZimbabwe, vanhu vanoita nhimbe kuti vabatsirane basa.

Unobatsirawo vamwe vanhu mudunhu rako here?

7
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Nhimbe
Author - Blessing Nemadziva
Translation - Lilian Chaminuka
Illustration - , Blessing Nemadziva
Language - ChiShona
Level - Longer paragraphs