

Ngo! Ngo! Ngo!
Takanzwa bhero remumusha rorira mangwanani.
"Vakomana, mukai mugadzire mapadza," mbuya vakadaidzira kubva muimba yavo yekurara.
Takashama nyaya ndokubuda mumagumbeze.
Musi wacho kwaiva nenhimbe kumunda kwaMbuya Sigauke.
Takaenda kuhozi kunotora mapadza ese anga ariko.
Takatakura mapadza ese kuenda kumunda.
Vanhu vemumusha wekwa Chamutsa vakauya kuzobatsira Mbuya Sigauke.
Munguva yekurima yega-yega vanhu vese vemumusha vanobetsera vakwegura kusakura muminda yavo.
Munhu wese anopihwa nzvimbo yekusakura.
Nzvimbo iyi inonzi ndima.
Zuva rorova nhongonya, vanhu vakagara pasi pemuti weMutsamvi kuti vazorore.
Mbuya Sigauke vakapa vanhu maheu kuti vamwe.
Vanhu vakazorora vachimwa maheu.
Vabva kunozorora, vanhu vakapedzisa kusakura mumunda.
Mbuya Sigauke vakafara zvikuru. Vakatenda vanhu vese vemumusha nekuvabatsira.
Munyika yeZimbabwe, vanhu vanoita nhimbe kuti vabatsirane basa.
Unobatsirawo vamwe vanhu mudunhu rako here?

