

Farai aigara muguta re Harare. Vabereki vake vakamuudza kuti aende kunotambira zororo rake kumaruwa nasekuru nambuya vake. Vakamuperekedza kuchirindiro chemabhazi. Vabereki vaifara kuti mwana wavo aienda kunoona sekuru nambuya vake. Farai haana kufara nazvo. Aida kutamba hake neshamwari dzake muguta. Vabereki vake pavakamuoneka vachisimudza maoko, iye haana kuvasimudzira maoko achivaonekawo. Mubhazi maiva makazara uye muchipisa zvikuru. Mugwagwa waiva neguruva nekujatajata. Farai haana kunakidzwa nerwendo urwu.
Mbuya nasekuru vakafara chaizvo vachiona Farai. Mbuya vakamuuraira huku. Manheru vakatandara muimba yekubikira. Mbuya vaibika zvavo nehuni pama pfihwa. Mumba yekubikira umu maipisa chaizvo. Hutsi hwaibva muhuni hwaitosvora maziso asi mbuya nasekuru vaiva vakajaira chiutsi chacho. Farai aiva aneta ave kuda kurara.
"Hapana anorara asina kudya huku yabikwa na Mbuya Mkuku!" mbuya vakadaro. "Nguruve yavata yavata nemuromo wayo," vakaseka zvavo Sekuru Mkuku. Mbuya vakapedza kubika vakapakurira Farai mukonde wesadza nechidya chehuku. "Kana ukadya sadza rakawanda unokura kuita saGoriyati," vakadaro mbuya. "Asi Goriyati akarohwa na David Mbuya," Farai akavapindura. "Heheeede! Muzukuru wangu akangwara,"mbuya vakadaro vachiseka, "Chidya zvako sadza rabikwa nambuya upedze."
Farai akafara nekuti mbuya vaive vati akangwara. Akabva adya sadza rakawanda. Akazoenda kunorara akazvimbirwa nesadza. Farai akarara parukukwe. Mbuya vakawaridza gumbeze pamusoro perukukwe rwacho. "Mbuya, pandakarara pakaomarara," Farai akanyunyuta. "Usashushikane muzukuru, apa ndipo pakarara baba vako pavaive zera rako," Mbuya vakamupindura. "Chirara zvakanaka muzukuru, mangwana uchaenda nevamwe vakomana kunofudza mombe."
Mbuya vakamutsa Farai rungwanani. Farai aiva achiri kunzwa hope. Akamuka ndoukuenda kune vamwe vakomana vemumusha. Vakomana vose vakaenda kumafuro. Vakaenda kunofudza mombe vakabata tyava dzavo. Tyava dzaityisa nekuti dzairira sepfuti. Farai haana kuzvifarira izvi. Zuva raipisa chaizvo. Uku mombe dzairunza zvekuti huyai muone. Farai aiva avekufunga shamwari dzake dzekuguta. Aive ava kusuwa kuona zvidhori.
Zuva ravakunovira, vakomana vakaenda nemombe kurwizi kuti dzimwe mvura. Vakomana vakatuhwina murwizi. Farai akanakidzwa nekutuhwina. Pavakange vaneta, vakaenda kunozvambarara pauswa vari pasi pemuti wemutsamvi. Mombe dzakararawo pasi pemuti wemutsamvi iwowo. Farai akatanga kuudza vamwe vakomana nezveshamwari dzake dzekuguta. Akavaudza nezve zvidhori uyezve nezve mitambo yepamakombuuta. Vakomana havana kana kumboita hanya nenyaya dzake. Vaitoda havo zvekutaura nezvemadzinza avo. Farai aiva asingazive nezvedzinza rake. Vakomana vakamuseka. Farai akanyara chaizvo
Manheru Farai akakumbira Sekuru Mkuku kuti vamutsanangurire nezvedzinza ravo. "Ndichakutsanangurira tapedza kudya kwemanheru," Sekuru Mkuku vakaudza Farai. "Sekuru, mundiudzewo nezve chidawo chedu," Farai akaenderera mberi achikumbira. "Ndichakuudza zvese kana tapedza kudya." Farai akafara zvikuru. Aida kuzivawo nhoroondo yedzinza rake. Mbuya vakafarawo.
Vapedza kudya, Sekuru Mkuku vakatanga tsanangudzo yavo. "Kare kare, tateguru vedu vaigara kunyika inonzi Tanzania kunzvimbo inonzi Guruuswa. Zita ravo rainzi Dzivaguru. Dzivaguru nemhuri yavo vakabva kuGuruuswa ndokuenda kunogara pedyo nerwizi rukuru runonzi Zambezi." Vanakomana vavo vainzi Nyamukoko, Kaluba naLuvhimbi. Vanakomana vavo vakazosimukawo vachibva kunaZambezi nemhaka yemvura yakawandisa yaibva murwizi ichipaza misha yavo, pamwe nezvirimwa nezvipfuyo zvavo.
"Nyamukoko naKaluba vakaenda kunogara kunyika yeZambia. Vanhu vazhinji vekuZambia vana verudzi rwaNyamukoko naKaluba. Luvhimbi akaenda kunogara kuZimbabwe. Naizvozvo vanhu vazhinji vemuZimbabwe vakabva kudzinza raLuvhimbi anova ndiye mukuru wemutupo weDziva. Akazonzi Dziva nekuda kwezita rababa vake Dzivaguru. Nekukura kwaiita mhuri yake, vana vake vakatsvakawo mimwe mitupo yakasiyana. Mitupo ndiyo yaishandiswa kuratidza vanhu vanobva kumadzinza akasiyanasiyana. Nanhasi mitupo ichiri kushandiswa nevanhu vemuZimbabwe. Unofanirwa kuziva mutupo wako nechidawo chako."
Sekuru vakakosora ndobva vaenderera mberi nenhoroondo, "Mutupo wedu iDziva. Vanhu vanodetemba chidawo chedu vachititenda. Chidawo chedu chinoti: "Maita Dziva, sambiri. VeGanda gobvu, ari KwaSave. Maita Mvuu, chirombo chinobvundura mvura. Mutsikapanotinhira, vematama. Maita mhukahuru, chifurasora. Vakasarudza kutonhorerwa, vakazivazve kuti mhepo yakanaka. Ndinotenda veMbire, vabvi vekumabudazuva, vehuchenjeri. Mukaregwandiani? Maita Save pakuru, dziva vasingatambe nebukuta."
Farai akafara. Farai aida kunoudza mai vake nhoroondo yemhuri yavo. Farai aida zve kunoudza shamwari dzake dzekuguta nhoroondo yemhuri yake. Farai akange ofara kuti akauya kumusha.
Farai akatenda sekuru vake. Akavatenda achiti, "Maita Dziva, sambiri. VeGanda gobvu. Vari KwaSave."
Sekuru Mkuku na Mbuya Mkuku vakafara zvikuru.

