Kakomana kakava mubetseri
Felysia Magada

Dee ane makore mapfumbamwe ekuberekwa. Mukomana anofarira kushanda mabasa epamba.

Amai vake vakashanda chaizvo kuti ave mukomana akadaro. Izvi akazvitanga ane makore masere.

1

"Amai, kana ndakura ndinoda kuzova 'Supameni'," akadaro Dee.

"Nei uchifarira kuva Supameni mwanangu?" vakabvunza amai.

"Amai Supameni anobatsira vanhu vanenge vawirwa nedambudziko. Ndinoda kuva munhu akasimba saiye," akadaro Dee.

2

"Dee mwanangu, Supameni haasi munhu chaiye. Chiumbwa chakagadzirirwa kufadza vanhu, asi hazvirevi kuti ungatadza kubatsira vanhu. Unogona kubatsira vese vanoda rubatsiro," vakadaro amai.

3

"Amai, ndinofanira kuva nechimiro saSupameni here ini ndiri mudiki zvakadai here?" akabvunza Dee.

"Hazvina mhosva kuti une chimiro chakaita sei. Chinodiwa moyo murefu. Iwe une moyo wakanaka unoita kuti ubatsire vanhu," vakadaro amai.

4

Amai vakaudza Dee kuti vanhu pasi rino vanoda vanhu vane moyo murefu saiye.

Vakaenderera mberi vachimukuridzira kuti atange nekubatsira vaanogara navo vakamupoteredza.

5

Mushure mekupedza chikoro Dee anosara achibatsira mudzidzisi wake kunhonga nekurongedza mabhuku.

6

Dee achisvika kumba, anorondedzera kuna amai vake nekubatsira kwaanoita mudzidzisi wake mazuwa ose.

7

Amai Shumba mudzidzisi wake vakafadzwa nekuona Dee achiita mabasa anofadza.

Izvi zvakavaratidza kuti Dee mukomana ane hushingi nemoyo murefu.

8
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Kakomana kakava mubetseri
Author - Felysia Magada
Illustration -
Language - ChiShona
Level - Longer paragraphs