

Waiva musiwa 15 May nguva dzemanheru ndakatandara hangu apo ndaitandara hangu ndiri parunhare mune imwe ungano yakagadzirwa paWhatsapp. Ndiri mukutandara kudaro pakaita izwi rakati enda utaure nechisikana icho kuseri chinova chandaitandara
nacho muungano iyo parunhare. Ndakamboda kutya nekuverengera nekuti yaiva shamwari yangu kwenguva refu asi ndaisaziwa kuti hushamwari hwedu hwaiva hwakatorongwa zvekudarika pahushamwari.Ndakabuda muungano ndini uyo kurunhare rwetsvara kaden
-ga iya. Handina kuda kubata pamunhondo kana pamusasa ndakananga padare rangu chairo randaiva ndavinga kutya kwese kwaiva kwapera, ndaizivei kuti zvaiva zvakatorongwa nekumatenga kuti ndiye achava mufaro nemunyaradzi wangu. Zvisineiwo ndaka
-svitsa nyaya yangu sezvairi pakarepo kwakudairwa zvakanaka.Semunhu akanga apera tariro nezverudo ndakava nemibvunzo mizhinji mufaro nekoko kuti ndini here kana kurota sezvo waiva husiku ndakarara hangu ndichiterera nziyo dzerudo kunge zvai
-ziva kuti ndichawana wekupinda naye musvitsa zuva iroro. Hope dzemusi iwoyo hadzina kubata zvakanaka ndichingomuka ndichitarisa parunhare rangu ndichizvibvunza kuti "ndini here ndadairwa minamato yangu?" Semunhu aiwa atora nguwa asina mudi
-wa wake waanoti ndiye wepamoyo.
Wava musiwa 16 mangwanani ndakamuka chekutanga ndisati ndabuda mumachira kutumira tsamba kurunhare kuti "mangwanani mudiwa wangu" pandikaona ndadairwa zvakanaka ndikati haaa zvangu zvaita ini ndakabva nemufa
-ro muzhinji kwazvo.
Kubva zuva iri nazvino hupenyu hwangu huzere nemufaro moyo unemufaro nekuda kwechipo chemusikana akanaka wandakapiwa
nedenga. Haisi nyore kuwana munhu anokuremekedza,anokuda achikukoshesa panguva ino yatiri asi ndakamuwana maphosa, ngara yangu,wamambo
tsvarakadenga yekwaPamidzayi. 😍😘❤🌹🌹🌺 ndiye zvese zvangu mufaro wangu, nyemwerero yangu. Pose pandiri ndinoona chiso chake nenyemwerero yake inondisvitsa kure. Munaku akatsetseka sehurungudo pasina kuzora asi zvaakasikwa naShe akaita

