Kumusha kunei?
Ignatius T. Mabasa
Ignatius T. Mabasa

Kumusha kune hari. Hari dzinobikirwa kana kuchengeterwa mvura kana maheu kana doro.

1

Kumusha kunobikwa chingwa nemarasha. Chingwa chacho chinonzi chimodho.

2

Kumusha kunomera hohwa. Hohwa hunonaka kunge nyama.

3

Kumusha kunorimwa nzungu. Nzungu dzinokangwa kuti dzigadziriswe dovi.

4

Kumusha kunokamwa mukaka wemombe. Mukaka wakakora unonaka nesadza.

5

Kumusha vanowurutsa chibage kuti chibve marara. Vanoendesa chibage kuchigayo kuti chiite upfu.

6

Kumusha kune miti yakawanda inobereka vana vanoshamisa. Muti uyu unonzi musekesa.

7

Kumusha kune nzira dzetsoka. Nzira dzekumusha dzinoenda kutsime, kudanga, kurwizi kana kuvavakidzani.

8

Kumusha kune dzimba dzakapfirirwa nehuswa. Kupfirira zvinoreva kuvhara denga kuti mvura isapinde kana kuchinaya.

9
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Kumusha kunei?
Author - Ignatius T. Mabasa
Illustration - Ignatius T. Mabasa
Language - ChiShona
Level - First paragraphs