Vakomana gumi vakarasika
Felix Kwame Senanu
Andrews Opoku Antwi

"Anomaa antua a obua da," idunhu rekunzvimbo inonzi Mmeapahia, riri kumabvazuva kwenyika yeGhana.

Mudunhu iri, vanhu havabvumirwe kupinda musango nomusi weChitatu nekuti izuva rechisi.

Vanhu vazhinji vaibvuma kuti munhu wese anopinda musango pazuva iri aizosangana nemashura.

1

Mudunhu iri maigara vakomana gumi vaiva vasingafariri kuenda kuchikoro.

Mwedzi yaChikumi naChikunguru mwedzi inowanda hozhwa. Mumwaka uyu, vakomana vemudunhu iri vanoenda kuno tsvaga hozhwa.

2

Umwe musi weChitatu, vakomana gumi vakaenda musango kunotsvaga hozhwa. Zuva reChina raiva zuva rekutengesa zviwanikwa kumusika.

3

Kwapera chinguva varimudondo, vakomana vakaunganidza hozhwa dzakavafadza zvikuru.

Vakafunga zvekuverenga hozhwa dzaive dzabatwa neumwe neumwe wavo. Pavaiverenga vakakanganwa kuti zuva raiva rovira.

4

Vapedza kuverenga, vakaenda kumusha vachifara chaizvo vachitaura nyaya.

Vachifamba kudaro vakarasika musango. Vakafamba musango nomurima. Vakaedza kutsvaka nzira yekuenda kumba asi vakaishaya.

5

Husiku ruzha rwaiitwa nemhuka dzakasiyana siyana rwakavatyisa zvikuru.

Vakabvunda, vakachema, vakavanda mubako. Husiku hwakava hurefu.

6

Zuva rakazobuda. Mudiki wavo akabvunza akazara misodzi mumaziso, "Tichaita sei?" Mukomana mukuru akavaudza kuti vaizoedza kufamba neimwe nzira kuti vasvike kumba. Kwapera kanguva kadiki vachifamba, vakaona rwizi. Vakabvumirana kutuhwina kuti vayambuke rwizi vaende kumhiri.

7

Vabira kumhiri, mumwe wavo akaverenga vamwe vake kuti aone kuti vaiva vasvika zvakanaka here vese.

Mukomana mukuru akaona kuti vainge vasara vakomana vapfumbamwe. "Ko ndiani asipo?" akazvibvunza.

8

Vakadzokorora kuverengana, asi havana kusvika gumi.

Vakatanga kuchema vachishevedzera nemazwi ari pamusoro. Vakafunga kuti mumwe wavo akanga anyura mumvura.

9

Zvisinei, kune muvhimi akavanzwa vachishevedzera ndokubva aenda kwavari. "Chii chanetsa vanangu?" akabvunza.

10

Vakomana vakamuudza zvakanga zvaitika pavakayambuka rwizi.

Muvhimi akapa mumwe nemumwe wavo kamuti kekubata mumaoko. Akatora twumiti twese ndobva atuverenga. Paiva netwumiti gumi!

11

Vakomana vakafara zvikuru,vakaseka vachimbundikirana.

Muvhimi akavaudza kuti vasapinde musango nemusi weChitatu chinova chisi. Akabva atungamira kuenda kumusha.

Zvino mubvunzo ndewekuti, sei vakomana vairamba vachiwanikwa vari vapfumbamwe pakuverengwa ivo vari gumi?

12
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:
Vakomana gumi vakarasika
Author - Felix Kwame Senanu, Lois Nyarkoah Adu, Martha Agyeiwaa Twum, Nancy Mensah
Translation - Lilian Chaminuka
Illustration - Andrews Opoku Antwi, Michelangelo Quaye Anang
Language - ChiShona
Level - Read aloud